Hurombwa Confession... Part 2

Ndine makore 7 ndakaromba takaromba tiri chigroup cheruwadzano takafurirana nekusada kukudwa muchurch kubvisa mari mucheno nekufamba nemota takange tozikanwa muchurch vaiye vaive vemberi vakange vakuti namata.

Now andichaendi kuchurch kubva zvandakamedza makonye ndine time yekuti ndinobuda unye muviri wose kana kufambiwa zvinorwadza honye idzi dzinodya mandiri saka ini ndakurarama nenyama kana kuti liver remombe chete ndotodya rakawanda reku feeder honye dzese dziri mandiri nyama yangu aifaniri kuibva half done ndoinodiwa every day ndodya nyama inotyisa ndikasadya ndopandino tanga kubuda unye muviri wese nekuvaviwa. 

Hurombwa Confession...
Hurombwa Confession...


Umwe musi ndaive nevaedzi handina kuwana mukana wekumo tenga nyama ndakarwadziwa kusvika mamwe arembera kusika rudzi achiruma ndakangosimuka ndakananga kunyama kudzoka ndakawana vanhu vaye vaenda ndanzwa ndatambura muviri wangu waibva waneimwe colour hupenyu hwangu hwandiomera ndiri kupi jeri hama hapana chiri kunakidza muupenyu hwangu vanondiziva vanototi zvinhu zvese zviri right nyambesa kana ndiri kufuta kuwedzera weight makonye aye arikukura uye arikuzvarana achiwanda mandiri madrinks ese handinwi mvura ndinonwa yandinopihwa ikoko yemu tape handinwi vabereki vangu havacha foni. 

Vakatoramwa worse vanoziva kuti ndine mari asi ndiri kupa vamwe vanhu ndichinyima ivo ndaimbovapa ndichiita zvese ndai vaiziva kuti Why zvakadero pamwe zvaita nani neniwo ndiri kutya handide navo ropa randakateura rakakwana ndiri kurarama life yeku regreter every time ndorara ndakagara musoro uchipisa nekufunga vamwe vandakaromba navo vachiri right havana prbm nokuti varikutita zvinodiwa zvese. 

Ini ndakadzi kana waneta nehonye wakuda kuti tiuraye vabereki vako uuye tidzibvise asi kana ndofa nadzo hangu. Andina hangu kuda kuisa mazita ndaona kuti ndingazikanwa pano nehama dzangu asi avo veku church vamwe vavo varimuno vatoziva kuti ndini, andina kuuya kuzofumura mukuru wedu aiwa uye ndakatoudzwa kuti ndikaenda kuma profita mese murikufa muri 3 saka handina kuprofita kwandinoenda.

Ndini ndakazvida ndaiti ndiri kugona hupenyu Mari irikungouya haina kumira asi kuti handichina pasa nayo zvino batsirei kuita Mari yausingapi vabereki vako kuti ndivaudze tofa tese hupenyu hwangu hwakaiswa pacorner chaipo,Ndoti kana ndakatarisa murombo asina chinhu ndochiva life yake nokuti haana ropa mumaoko haana pressure seyandi nayo hupenyu hwake huri straight chero hake aine nhamo asi iri Nani panhamo yandinayo yangu ndoinodzi nhamo nhamo.

Ndiri kunzi ndifungisise kuti ndoda zvipi uye vasikana vandaromba navo vari kuti ndiuraye vabereki vangu ndidzokere palife yangu yakare uye ndiri kunzi ndatove mutadzi nechekare uye vabereki vangu havachina basa neni nokuti ini ndakavarasa,ndakushaya zvekuita ndapakati nepakati.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp on https://whatsapp.com/channel/0029VaaPe4P2ZjCmbFHOa01K, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp