Kuvaka musha wenyu muri vaviri hakusi nyore asi imi munokwanisa kurerusa nhamo dzemumba nemaitiro enyu mumba menyu Chokutanga ndechokuzwisisa kuti makakurira mumhuri mbiri dzakasiyana saka maonero enyu pazvinhu zvinoitwa mumusha akasiyana. Izvi zvinoreva kuti muchapokana panyaya dzakawanda. Rudo rwenyu uye kushamwaridzana kwenyu ndiko kuchaita kuti musha urambe uripo.
![]() |
| Love |
Kutaurirana nokunzwisisana
Kana paita nyaya dzidzai kugara pasi motaura nyaya yenyu mopedzerana pasina arova umwe kana kudzinga umwe mumba Musajaira kuti nyaya yaitika nhasi, mopedza vhiki yese makamirira kutaura nezvayo. Kana iri nyaya inoda kuti mutaure wanai nguva yokutaura muitaure ipere mudzokere mukuvaka mhuri
Kana muchida kutaura taurai muri muimba yokugara kwete yokuvata(bedroom) Dzidzai kuti nyaya inokasira kupera (One sitting) kwete kuti nhasi, mangwana, kuswera mangwana, muchingotaura nyaya iyoyo
Pane dzimwe nyaya dzisingafaniri kuti vanhu vapokane/vakonane nadzo. Toti mukadzi anoda fridge asi murume ari kuti mari hapana Mese munoziva kuti pamusha pane marii saka hazvifaniri kupokana nenyaya yakadai. Varipo vakadzi vanoti kumurume asina hembe, yamirira yakutoda zve bonde iye otanga kuti heee“Haundikwiri kusvika wandipromisa fridge yangu” Uku ndo kusanzwisisa Musaunza nyaya dzezvimwe panguva yebonde Murume/mukadzi ngaangogara achiziva kuti chero zvodii bonde ndinoriwana kubva kune umwe wangu pasina macondition
Kuchengeta nyaya dzemumba
Kana une musha, usajaira kuti ukaenda kumba kwevamwe wonodembademba nhamo dzako dzese ikoko uchivaudza zvinhu zvakadzika zvemumba mako. Imba yako ngaifukidzwe nedenga rayo kureva kuti ukabuda mumba siya zvemo zvirimo. Kana uchitaura nevekunze taura nyaya dzingori general chete
Chinhu chinogwadza moyo chose kuziva kuti murume/mukadzi wako akaudza mai/baba nhingi nyaya yaunofunga kuti ndeye private eg Toti waziva kuti umwe wako ange asiri mhandara/jaya iwe wonoudza umwe munhu, zvofumura umwe wako Hazvina kunaka izvozvo Iwe kana unaye chigara naye sokumuda kwawakaita
Pane nyaya dzomumba dzakawanda dzisingafaniri kubuda. Chengetedza musha wako nezvinotaurwa pamusoro penyu mese Kana ukanzwa vamwe vachitaura nezvavo, iwe usajoinira ipapo wotanga kutaurawo nezvako. Siya vataure. Usavapa mazano kusvika vakukumbira kana vakumbira taura zvinovake kwete zvinoputsa. Usamboudza munhu kuti arambe murume/mukadzi wake. Kurudzira vanhu vakumbire ruregerero vavake musha wavo. Iwe chero uchiziva kuti wako akadai unomuramba, usaudza vamwe kuti varambane
Kuterera umwe achitaura
Kana murume/mukadzi wako achitaura, iwe dzidza kuterera. Hakuna chinhu chakakosha sokuterera. Unodzidza zvakawanda kana uchiterera . Apedza kutaura bvunza mibvunzo kuti unyatso kunzwisisa. Vanhu vakawanda vanotanga kupopota vasati vanzwa kuti point inoda kubudiswa nemunhu ari kutaura ndeip
Chimwezve ndechokuti ukaterera umwe achitaura uchaona kuti anokwanisa kutanga ane hasha asi akaona wakaterera anoderedza inzwi rake mopedzisira makungotaura zvakanaka, chero nyaya yacho yange iri nyaya hombe
Kuterera kunoenderanawo nokutaura chokwadi. Ukavanza zvinhu, umwe wako akazozviziva kuti wakamunyebera, anogumbuka kupfuura kuti dai angotaurirwa chokwadi pekutanga
Rangarira kuterera umwe wako achitaura
Kupiwa mazano nevamwe
Kana waita nhamo inoda mazano kubva kune vamwe, tsvaka munhu anovimbika satete kana mbuya kana babamukuru womuudza kana ma church elders Ivo vakakupa mazano usamhanya kunoita zvavareva. Tanga wafunga maitiro auchaitausati waita. Iwe unoziva umwe wako saka unokwanisa kufunga kuti achaitei kana ukaita izvi kana izvo
Kana waverenga usaende usina kusiya reaction or emoji!
Kupiwa mazano hazvirevi kuti unofanira kutoita zvarehwa/zvawaudzwa Zvinongoreva kuti zvaunokwanisa kuita zvawanda chasara kungoziva kuti woita chipi. Kozoti mamwe mazana aunoziva kuti anouraya muchato wako haufaniri kuva nebasa nawo. Munhu akakuudza kuti enda unotenga mushonga wekuti murume/mukadzi akude, ziva kuti akupa zano risingakubatsiri. Zano rega rega rinofanira kuva rinovaka musha chete
Chioko muhomwe (bribe)
Mumba potai muchiitirana chioko muhomwe Umwe wako akakuitira chinhu chaunoda muitirewo chaunoziva kuti anoda mangwana. Kana uchigara nomunhu mumba menyu unokasira kuziva zvinhu zvaanoda Varume havanetsi kunzwisisa zvavanoda uye zvavanoda zvishoma. Murume anoda kungogara achiziva kuti mukadzi wake anoziva kuti mukadzi wake zvekumuitirq uye hapana nharo panyaya iyoyo. Mukadzi anodawo kudiwa nomurume wake nomoyo wose
Toti murume ange ari muroad ndokuona munhu achitengesa mbambaira dzakachipa ndokudzitenga ndokuuya nadzo kumba. Hazvina kusiyana nomuvhimi anouya nemhuka yaauraya kumba. Tenda murume, uye pava paya mupe twakawanda somukadzi. Imi vakadzi hamunetsi. Ukapfuura nepamusika ukamu tengera kamwe kanhu kasina nebasa rese kanoita chero $1 rimwe chete, wouya nako kumbazvatopera. Iye kungoziva kuti wanga uchimufunga uri pamusika zvinotomufadza Iwewo chingowedzererera nokumuudza kuti pawaona chinhu ichi wafunga kuti mukadzi wako angangachida. Zvoreva kuti unoziva zvaanoda uye unomufunga.
Kana mukadzi akakubikira zvaunoda ukati gotsi papata, azviita somukadzi wako, iwewo chiita chimwe chinhu somurume wake
Rudo mumba
Zvese zvaunoita mumba unoita hako asi usakangamwa kutaridza umwe wako kuti unomuda chero zvodii. Kana mapopotedzana mukachemedzana mukaramwirana sadza, rangarira kuudza umwe wako kuti unomuda uye uchamuda kusvika wafa chero hake achikugumbura. Kana akakumbira ruregerero unofanira kumuudza kuti wamuregerera, kwete kumurambira. Kuregerera munhu hazvirevi kuti wakangamwa chinhu chaaita chakugumbura. Zvinoreva kuti zvaita zvakaipa asi waona kuti anzwisisa uye haachazviiti futi. Rudo chinhu chikuru, zvikuru kuvakadzi mukadzi akasavimba kuti murume anomuda anotanga kudyiwa pamoyo nazvo. So murime Usambokangamwa kutaridza rudo mumba
Kana mumba mune mufaro hazvirevi kuti umwe wako anongozvifungira kuti unomuda. Iwe muudze kuti unomuda anzwe uchimurangaridza. Zvokuzomuudza wambobvunzwa zvoita sokuti wafosiwa/kumanikidzwa kumuudza. Muudze chero paasingafungiri kuudzwa, uchaona kuti anozvirangarira kwenguva yakareba. Toti paya mapedza zvose zvezuva iroro mava kuda kuvata. Ukamiririra hope dzosvika ukamutsa umwe wako womuudza kuti unomuda anovata achifunga zvinhu zvakanaka. Totizve ukamuka umwe wako asati amuka. Paanozoti pepu owana wakamutarisa kumeso. Achakubvunza kuti zvaita sei. Iwe womuudza kuti hapana wanga uchingomutarisa hako uchifunga kuti unomuda. Uchaona onyemwerera
Toti muri mumota muri parwendo, nyaya dzombopera moti zii, iwe wongotanga imwe nokuti Masibanda unoziva here kukuda kwandinoita? Uchaona kuti chokutanga kunyemwerera asati apindura. Nyemwerero iyi inobva mumoyo make chaimo
Nyaya dzinopokanisa vanhu mumba
Kune nyaya dzakawanda dzinozikamwa kuti dzinokonzera kupokana mumba.
Hama dzenyu
Mari yenyu
Kusvirana kwenyu
Kuvaka musha
Chihure
Makuhwa
Kana wava nomusha wako hama dzako kazhinji hadzinei nokuti musha wako. Dzinongodawo kuti udzisapote panyaya dzavo. Zvokuti une budget yako havanei nazvo. Ukasachenjera unopedzisira wakwereta mari kuti upe hama dzako. Ndipo panotanga kupopotedzana ipapo. Kana maroorana. Garai pasi mutaurirane kuti hama dzenyu dzinofanira kusapotwa ndedzipi uye dzinopiwei. Vabereki vese kwemurume nekwemukadzi vanhu vakuru. Kana vasingashandi munokwanisa kuvabatsira. Vamwewo munovabatsira muchiziva kuti mari yenyu inokwana here kana kwete. Kana musina hamuna.
Mari inokonzera kupopodzena kwakawanda mudzimba. Kana mese muchishanda munokwanisa kugara pasi mese moita budget yenyu moronga kuti mari munoifambisa sei. Kana mari iri shoma mumba uchaona kuti kupokana kunowanda. Munokwanisa kubatsirana kuita zvimwe zvinoita mari iwedzere Kungopopotedzana hazvibatsiri chinhu
Nyaya yebonde inokonzera vanhu kusawirirana. Zvikuru kana muri vanhu vaya vasingagoni kutaudzana panyaya iyi. Kana wada kukanganisa upenyu hwako tanga kuvhenganisa nyaya iyi nedzimwe nyaya uone bonde harivhenganiswi nedzimwe nyaya zvachose. Inyaya iri yega asi inobatsira kugadzirisa dzimwe nyaya mumba Mukatukanirana kutema huni, mukatsamwisana. Pakunovata ukaita chikapa chine hasha mukati mangwana munomuka mese muchifunga kuti nyaya yazuro yanga iri nyaya isina nebasa rese. Asi ukatsamwira huni wobva wanyima murume bonde kana kunyimiwa iwe mukadzi mangwana mese munomuka matova nedzimwe nyaya mupfungwa
Vakadzi vanowanzofunga kuti varume vanofanira kuziva zvokuita pabonde kuti ivo vanakirwe Iyewo murume anenge achifunga kuti mukadzi anofanira kuziva zvokuita kuti mukadzi anakirwe. Ipapo kana vese vachiri vanhu vadiki vari kutodzidzawo kuti zvinonaka ndezvipi vakasataurirana hapana chinofamba. Kana murume achingoti kupinza nokudiridza(hwejongwe) ne fugue ndee mukadziwo otoshaya kuti chaapedzera nguva achibvisira hembe chii, ozoona sokuti hazvibatsiri chinhu kubvuma kuita bonde racho Ukuwo murume kana ari munhu anoda zvebonde asi achiona mukadzi achingovata sesaga romunyu murume achimukwira, anobva afunga kuti haasi kugona basa obva aruza confidence zvototanga kunetsa so iwe mukadzi Ratidzawo kuti uri kunakirwa ( chiuno ngachishandiswe(chikapa)(koirawo), chemererawo, batirira murume/mukadzi ) uye taura zvaunofunga. Bvunza kuti zviri kunaka here. Mapedza bvunzanai kuti improvement ingaitwa papi. Chii chimwe chaunofunga kuti chiitwe?
Chikuru kusarambira umwe wako. Ivai nemitemo. Ivai nema CODE WORDS enyu ekuudzana kuti muri kuda bonde.
Bonde rinorangaridza kuti muri pamwe chete, iwe ndiwe wangu saka ndiri kukupa izvi. Mukapedza mukagumbatirana mukavata hope, hauna kufunganya kwaunoita
Mukadzi munhu anoda kuti musha uvakwe. Murume munhu anoita zvinoda mukadzi wake. Varume vazhinji havavaki musha pasina mukadzi. Mukadzi ozosvika otanga kushusha murume kwanzi ngatiite extension apa imba ikure apa Murume zvokushanda haadi. Mopokana nazvo so murumewo dzimwe nguva Terera mukadzi wako.
Chihure chikangofungirwa kuti chiri kuitika musha wose watova nedambudziko. Vanhu vakawanda vakatombohurirwa mumba. Inyaya inorwadzisa moyo zvikuru and Unoiswa pakaoma. Kana wafunga zvekuhura chiziva kuti zvichabatabata upenyu hwako kwenguva yakareba. Chinhu chinogozha kuregerera munhu akuhurira Chero ukamuregerera hako hana yako haigadzikani
Varipo vamwe vanoti akaenda kunze ombonohura ariko odzoka sepasina chaitika. Takazoona umwe osvikirwa nomusikana obva kwaanobva wanei munhu waavinga ane mukadzi. Kuhura kumhura munhu wawakaroorana naye kusvika pokupedzisira
Makuhwa inyaya dzinotanga dzoudzwa umwe munhu iyewo onoudza umwe zvichingodaro kusvika dzadzoka kuno kumba kwenyu dzave dzimwe nyaya mobva matanga kutukana nokuda kwadzo. Kana usingadi kupopotedzana nenyaya dzemakuhwa, usataurira vanhu nyaya dzomumba menyu.
Panyaya dzese dzandataura apa nyaya dzinopokanisa vanhu zvakanyanya inhatu, mari, hama, nekus##rana kwenyu mumba. So nzwisisai nyaya idzi mugare makadzirimira kumuganhu.
By Anonymous
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.
Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop, Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp at https://whatsapp.com/channel/0029VaaPe4P2ZjCmbFHOa01K, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
