House-Help Files: Pamba Paidyiwa Chingwa Chete

Ini ndiri housemaid kuBor$&@)(:; ndoshandira mukomana ari single ,Hationane ndogona kumuona ka2 pamwedzi zveless than 30 minutes.



Kana pane chandoda I write a list ndosiye paanouya oona anosiya mari ndozotenga the following day. Ndoita basa rangu zvakanaka handimhanyiswe ndotanga na8 ndopedza na3 sometimes ndotombobuda early panenge pasina basa rakawanda.

Chandakangozvidzidzisa as a maid is handitore chandisina kupihwa .Handina hangu challenge yandati ndasangana nayo pabasa pangu. 


Chandoda kuudza amwe mabii angu mamaids is havasi vese vanhu vane hutsinye and vanotarisira vanhu pasi ndakamboshandira umwe aindiverengera chingwa. Pamba ipapa paidyiwa chingwa chete apa ndaisara nemwana vese murume nemukadzi vaiswera vasipo Off pamwe ndaipihwa pamwe ndaisapihwa ,kubva zvandakasiya ipapo ndakagara almost 7 years ndisingashande asi ndakazovana pandiri kushanda now,Ndane almost a year ndichishanda handisati ndawana any problem.Mamaids ngatisamirira mari yatinopihwa nevarungu coz haikwane ngatitsvage tumwe tuma side hustle  coz kazhinji kacho ndopatinozofunga pfungwa yekuba coz tinenge tisina mari ini hangu ndoita macakes ,snacks  nekutengesa baby wear. 

Ndichipedzesa ndinoti varungu musatarisire mamaids pasi titoriwo vanhu vakafanana nemi ,hatisi tese mamaids tinouya kuzoparadza Misha yedu asi sometimes mabatiro amunotiita anozopa Satan mukana vekuti apinde matiri kuti tiite zvisina kunaka nemiwo.mamaids mukaitirwq zvamusingafarire zviri Nani mutaurirane kana kusiya basa racho 

    

Tatenda


Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.


Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp