Nhaiwe Mwanangu Ngomayeparufu!

Surname iyo ndini ndakamupa ndaona kuti ngoma yeparufu iwada waridza.. aripano anoti ahhh ndaneta, umwe oitorawo odandaura asati asiirawo umwe!

Kanoridzwa husiku hwese nevaridzi vasina kukatenga! Kana kodhamba vanokanyengerera nekukadziisa pamoto… Asi rufu rwapera unokaona kakandwa uko kuchando vaikaridza vadzokera kumisha yavo.

Nhaiwe Mwanangu Ngomayeparufu!
Nhaiwe Mwanangu Ngomayeparufu!

Zvino ndingazvarewo ngoma inini hama dzangu... Kuita mwana anenge iwewe anongoridzwa nemaoko ese-ese??? 😭😭😭

Kuita murimi anongokanda mbeu mumunda usiri wake? Hakuna benzi rakadaro rinodyara mumunda usiri waro. Ungaitewo siriyo, kuita serevhita, sere kani, inongodyiwa chero nevadiki nevakuru? Vanemazino nevasina vanongodya siriyo!

Kuita counter yekuti anotenga, anobvunza price, asingatenge neauya kuzoona bhora vese vanongozambirawo!

Kuzvidyarira muti wemusango pamba usazochema kana shiri dzesango dzaakuvakira matendere pamusha pako. Ukatora snooker woti ndoitamba ndenga, pamusha panoswera vanhu vachiitamba iwe waenda kubasa!

Vanakomana vangu tendekai kune venyu vamakapihwa neMusiki, wazvinzva Atty? Vanasikana zvibatei! Wazvinzwa Netty?

RUDO HARUDI DZUNGU!!! 🥰🥰🥰

Tag a good friend and SHARE!

Your peaceful Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp