Mashoko ABishop Kune Vanodanana

 MESSAGE TO ALL COUPLES


🤷‍♂️Idawo mumwe wako achiripo


Idawo umwe wako achiripo, cherechedzavo kugona kwake umupembedzewo uchine mukana wacho. 

Pride and Anna


😭Paya paunoona achiuya nenhunguru, matohwe kubva kusango, inyaya yokuda kuti urerukirwe achiripo nekuti zuva rimwe achaenda.

Hongu kukosha kweZino kunonyanya kuonekwa rava vende asi iwe wadii wakurumidza kupepuka mashandisa mazuva enyu kupanana tariro nerudo.


😭Zuva rimwe chete uchagara seri kwe door wakamurinda azorora hake nehupenzi hwake hwaunopembedza asi ndiro zuva rauchapepuka kunatsoziva kukosha kwake.


🤝Vachakuti nedzoi asi haagoni kudzoka, ipapo matama ako dzichange hova dzenzizi iri misodzi ipapo ndipo pauchatanga kuziva kukosha kwake asi aenda hake. Uchaita mibvunzo yakawanda isina anodaira, ugozvipa mhosva asi usisina mukana wekukumbira ruregerero .


🤷‍♂️Mubhedha wauri kushandisa kumufuratira  uye kumubaya negokora uchimutongesa matare asingaperi uyu , uchapepuka pakati peusiku uchiona uri wega ndangariro dzenguva yamuri kutambisa iyi dzicha kudya moyo. Wadiii kumudawo achipo aite manyawi.


Inga wani vakuru vakati benzi nderako kudzana uno pururudza 💃🏾. Ko wagodirei kuti paari kudzana iwe woboora ngoma imi maigona kuzo pfichuka ngoma mese musi wemutambo?


🤷‍♂️Mutsiure murudo, mukoshese, muregerere paano potsa mushandise mazuva enyu mashoma aya murudo . 


🙆🏿‍♂️ Zvokwadi haurevesi kuisa paStatus mufananidzo wembwa iye aripo asi aenda wozoda kuisa mufananidzo wake ari muCoffin.


🤷‍♂️Zvichazobatsirei kunyora paStatus kuti Rest in Peace iwe uchimushaisa rugare achiripo kudai?


Mudevo, mugamuchire, muregerere achiripo. shandisaivo mazuva enyu mashoma aya murudo.


❤️Dananai ma couples mukana uchiripo


Be blessed..


Apostle Pride Sibiya Apostle Pride Sibiya Apostle Pride Sibiya Online #apostlepridesibiya

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp