Aunty Rhoda: Dzidziso KunanaMai Vose, Vanasikana NeVaroora!

Kuchengeta mubereki hakusi kutenga kana kutumira Mari yegrocery chete. Kune zvakawanda zvavanodawo.

1. Tengai mapants , pitikoti, handbags, umbrella nemaskin tight. Vanamai havatenge unozoona vaakutora pafiwa nehama vachipfeka. Tengai neababa kana vachiri vapenyu. Masocks, madhuku, Zambia, tie , sunhats zvakakosha mufunge.
Aunty Rhoda: Dzidziso KunanaMai Vose, Vanasikana NeVaroora!
 Aunty Rhoda: Dzidziso KunanaMai Vose, Vanasikana NeVaroora!

2. Paunovashanyira Tora mukana vekuwawachira uchiona zvavasina nekupisa madzoto. Vane rudo chaizvo nezvinhu zvavo. Ukasapisa vanokupfekerai pant rakadhamba manyowani acho aripo vanotoachengetera kuti azogoviwe vafa.

3. Pagrocery isai futi matoothbrush and a few toiletries movadzidzisa kuzvishandisa nekurongedzawo toiletry bag ravo kana vaakufamba nekushanyira hama.

Usasiya Mai wako vachinopemha kana kuita nherera kudzinhamo, Mutengewo nemabath towel, movakurudzira kuashandisa, rimwe rinonoiswa mubag vachigeza newesi.

3. Vatengereiwo zvimafleece or machari Aya ananaka ekumonera nekuendesawo kunhamo kwete kuti vaite mbiri yekubvutira vose vauya kumafunctions.

4. Vanodawo bag rakanaka rekuisira hembe vachifamba kwete machangani bag avanenge vabvisa grocery.

5. Kana Mari iripo tengai mibhedha yakanaka, mawardrobe mabedroom suite vararewo zvakanaka. Mai nababa vanoziva mibhedha yemuchipatara, upenyu kugonya pabonde.

Kana uriko mubhedha dzimwe nguva raazita ndopakaberekerwa vana vose iyo zvino hautonyare kuvapa tuzukuru twekuisa futi pamubhedha iwoyo.

6. Usaite Mai wake vaonere zvakanaka kwevamwe. Vakaenda kuhama dzavo vanenge vachitaridzwa twese twese ko ivo vakashanyirwa vanoratidzei.

7. Kana Mari ichitendera vavakirei Misha yakanaka moishongedzawo. Mvura ngaive pedyo.

8. Tengaivo huku muvape vachengete ,vadyewo nyama nemazai vakasununguka kwete kuita upenyu hwenhamo kusvika vafa.

9. Koshesa utano hwavo. Kana vachinwa mapiritsi, ngaagare aripo kwete kumirira kufonerwa. Kukumbira kwakaoma weduwee. Tenga emwedzi mina ka mitanhatu.

10. Usatarise kuti umwe mwana aita sei. Kana vamwe vasiri kuita ita pako.
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp