Bata Mazwi Aya Hupenyu Hunake!

Usaita simba rebenzi rinowandira pane zvisina pundutso.

Zvinobatsirei kuuraya shumba asi rwiyo rwehombarume rwoimbirwa auya netsuro?Honguka nekuti ndiye arapa vanhu mukanwa,ndiye adzimura nhomba.

Hazvina uchenjeri kupururudzirwa uchidzana ngoma yebira usiku hwose fume mangwana wotadza kuenda kumaricho uchirwadziwa nenhonho.

Simba ngariwandire pakusakura kandima kadoko kaunokohwa pane kupedzera simba mukutema gombo rausingagoni kurima.

Shoko harivhikwi, bata mazwi.

Bata Mazwi Aya Hupenyu Hunake!


Hadzisi hondo dzose dzaunokunda neumhare.

Pamwe unokunda nepfumo,pamwewo unokunda nekukanda pfumo pasi.

Ziva musiyano wepanodiwa meno nepanodiwa mano.

Simba rinoita basa ripere asi uchenjeri hwunoita basa rive nyore.

Chidembo chinonhuwa asi haungachishandisi kudzinga utunga mumba- Hazvina uchenjeri.

Usafunga kuti ndevose vanhu vanoda mari yako; Vamwe vanoda mashoko ako kana nguva yako chete.

Haasi wese ane nzara anoda kutengerwa chikafu; Umwe anoda kutaridzwa panotengeswa chekudya. Bata mazwi.


Zvinokosha kubatira pamwe nevamwe, handidi kukudzidzisa ruzivasimba kana hwumbimbindoga kwete.

Hazvina kuipa kuenda kuhumwe dzevamwe asi wako munda urege kuzoita sewakarimwa masosovori nezvitumbura uchingosakura kwevamwe- Wava fuza.

Tsitsi ngadzisakutsitsiririra, kana tsiye nyoro kuzokutosvora.

Usava chipavhurire zvekusvika pakunoshuzha kune vawakapa- Unosekwa.

Ita zvose nemwero

Kubatsira vamwe zvekusvika pakukanganwa mhuri yako zvasiyanei nekucheka chikabudura kumagadziko kuti uwane chigamba chekusonera pangowani? -Hupenzi.

Chifuga kana kuwarira, bata mazwi.


Kunamata kwakanaka; Itya Mwari nguva dzose nekumukudza kupfuura zvinhu zvose.Haikona kufunga kuti unoomesera Mwari nokuita kwako, ungatozviomesera nokuti Mwari haachemberi. Ndiye Chirambakusakara, Mutangikugara, Zienda nakuenda,Mambo wemadzimambo. 


Basa rakanaka Mwari vanokupa asi ndiwe unorishanda.

Mhoni haasi maperembudzi,badza haribvisi hunhu- Shanda!

Ukasadeura dikita ngwarira kuzodeura rava ropa.

Wovawo nemoyomurefu, usada kusvika usati wasimuka.

Kana ndareva BATA MAZWI.


Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp