China Chemadzimai NaTete Moira: Hutsanana MumaBedroom

Imba yekurara inofanira kuva stress free. Zvino eish ndimo munogara masaga echibage, mitanda yemabhasikoro akafa yakasungirirwa paroof, wardrobe inoita kunge bus rekwaShu-Shine, inenge yakazara zvinhu pamusoro ungati pane masaga emabura, masawu hameno ikoko. 


Tete Moira: Hutsanana MumaBedroom


Idzo bhutsu dza19 gochanhembe dzakapera mativi ese dzakachengeterwei? Kuseri kwedoor kune mazibhachi akakokonyara zvawo hanzi ifavorite ndakaripihwa nasekuru Dumie. Mazibucket nezvigubhu kunge pachibhorani, iwo mubhedha wacho wakatoturikwa pazvidhinha kunge ngarani yemagwere. Padivi apo potiwo chimutariko chine tumidzonga tuviri, ukuwo koti mazichira asingatonzwisisike kunge matehwe emombe akabiwa KuCSC. Space yekufamba chaiyo mumba hamutorina makazadza maziradio enyu akare kare emapuranga akakura kunge macoffin. Koti chichangani bag chema records amusina kana kumboridza chakanamirawo kumadziro sezimai mai rezviremwa-remwa.


Imi rasai zvose izvo, ndozvinokupai kurara muchivhumuka husiku hwese! Hamungakoni kurota zvinotyisa imi muchirara muninga imomo! Sarai nezvinhu zvamuri kushandisawo panguva ino. Murase mabhanjo ayo aripasi pemubhedha anoita seachakurumisai nezvirize. Moadii nhasi uno.



Your bedrooms must be cleared mukwanisewo kuvhura mahwindo! Ndiwane futi mu bedroom menyu makaita kunge muzumbu rehuku futi!


Musi wesvondo tese kuchurch!




Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.


avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp