Nzira Yekuwana Mufaro: Kuregerera

Nzira Yekuwana Mufaro: Kuregerera






By Watchtower



“PANDAIVA MUDIKI, VANHU VEMUMHURI MEDU VAITUKANA UYE VAIPOPOTEDZANA,” akadaro mumwe mukadzi anonzi Patricia. “Izvi zvakaita kuti ndive munhu asingaregereri vamwe. Kunyange ndakura, ndaipedza mazuva ndichifunga zvandinenge ndatadzirwa, ndichitadza kurara.” Munhu anogara akagumbuka haana mufaro uye anotokanganisa utano hwake. Tsvakurudzo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu vasingaregereri vanogona . . .



Nzira Yekuwana Mufaro: Kuregerera


Kutadza kuramba vachiwirirana nevamwe, zvoita kuti vaite vanazindoga uye vasurukirwe


Kungokurumidza kugumbuka, kuzvidya mwoyo, kana kubatwa nechirwere chedepression


Kungoti nanga-nanga nezvavakanganisirwa zvekuti vanotadza kunakidzwa neupenyu


Kuzvipa mhosva nekuti vanenge vasiri kuita zvinhu zvavanoziva kuti ndizvo zvakanaka


Kuwedzera kuva nestress uye kubatwa nezvirwere zvakadai seBP, mwoyo, arthritis uye kutemwa nemusoro.

CHII CHINONZI KUREGERERA? Kuregerera kubvisa chigumbu kana hasha mumwoyo mako kana wakanganisirwa. Kuregerera munhu hakurevi kuti zvaaita zvakanaka, wava kurerutsa nyaya yacho, kana kuti uri kuita sekuti hapana chamboitika. Munhu anoregerera anenge achiratidza kuti anoda kuti arambe aine rugare nemunhu amukanganisira.

Kuregerera kunoratidza kuti unonzwisisa. Munhu anoregerera anoratidza kuti anoziva kuti tese tinotadza pangava pakutaura kana kuti pazviito. (VaRoma 3:23) Bhaibheri rinoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”—VaKorose 3:13.

Saka kuregerera kunokosha chaizvo nekuti kunoratidza kuti tine rudo, urwo rwuri “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Website yeMayo Clinic inoti kuregerera . . .

Kunoita kuti vanhu vawirirane, uye kana vatadzirwa vanzwire vamwe tsitsi uye varatidze kunzwisisa


Kunoita kuti munhu agadzikane mupfungwa uye anzwe kuti ari kuita zvakanaka pamberi paMwari


Kunoderedza kuzvidya mwoyo, stress, uye hasha


Kunoderedza mikana yekubatwa nedepression

ZVIREGERERE. Bhuku rinonzi Disability & Rehabilitation rinoti kuzviregerera kunogona “kuoma kupfuura zvimwe zvinhu zvese,” asi “kunokosha chaizvo pautano.” Chii chingakubatsira kuti uzviregerere?

Gara uchiyeuka kuti uri munhu anotadzawo sezvinoita vamwe.—Muparidzi 7:20


Dzidza kubva pazvikanganiso zvako kuti usazozvidzokorora zvakare


Iva nemwoyo murefu; zvimwe zvaunokanganisa zvinogona kutora nguva kuti uzozvirega.​—VaEfeso 4:23, 24


Shamwaridzana nevanhu vanokukurudzira, vane tsitsi uye vanokuudza chokwadi kana ukakanganisa.​—Zvirevo 13:20


Kana ukatadzira mumwe munhu, bvuma uye kurumidza kukumbira ruregerero. Kana ukadaro, uchava nerugare.​—Mateu 5:23, 24

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI ZVINOSHANDA!


Patricia ambotaurwa, paakazodzidza Bhaibheri akatanga kuva munhu anoregerera. Akanyora kuti: “Hasha dzaindikanganisa asi iye zvino ndinonzwa ndasunungurwa. Handichanetseki uye handichaomeseriwo vamwe. Zvinotaurwa neBhaibheri zvinoratidza kuti Mwari anotida uye anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka.”

Mumwe murume anonzi Ron akabatsirwawo nezvaakadzidza muBhaibheri. Akati: “Handikwanisi kudzora zvinoitwa nevamwe kana zvavanofunga. Asi ndinokwanisa kuzvidzora pachangu. Rugare nechigumbu hazvidyidzani. Saka kuti ndive nerugare, handifaniri kuchengeta chigumbu.”






ZVINHU ZVEKUYEUKA


“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.”—VaKorose 3:13.

Kuregerera . . .

Kunoita kuti vanhu vawirirane uye vave nerugare


Kunoderedza kuzvidya mwoyo, stress, uye hasha


Kunoita kuti munhu agadzikane mupfungwa uye anzwe kuti ari kuita zvakanaka pamberi paMwari.


Musi wesvondo tese kuchurch!




Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.



avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp