Ndinokutendai Baba nekundichengeta zuva rese ranhasi. Mazvita henyu Baba, zvandava kurara rambaiwo makandikombe nenasha dzenyu. Ndinokutendai nekuti ndatochengetwa.
Rara nerugare mwana wemba yehumambo. Paunorara ngapapise nemoto wemweya mutsvene kuti wakaipa agoshaya mukana manheru ano. Hope dzako ngadzive dzakaropafadzwa muzita nemuropa raJesu. Mwari ngava kushanyirewo kuhope dzako manheru ano. Manheru ano ndinoti rotawo uchibhururuka sengirozi. Rotawo wakapfeka nguwo chena.
Manheru ano ndinotuka nekuraira mweya
-yemadzinza
-yekuteketererwa
-yekuromberwa
-yekumakuva
-yetsvina
ndichiti haina simba pamusoro pehupenyu hwako nezita neropa regwayana. Manheru ano uri kuzorota hope dzedenga. Mwari vari kuzokurwira pamusoro pemweya yose yakaipa muhope dzako nezita raJesu,
amen.
Kana usati warara hako kudaira "amen" kuna Jesu hazvimbonyadziseba.
Musi wesvondo tese kuchurch!
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.
Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).
The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
![]() |
Namata Neni Usati Warara... |