Hunhu hweUmwari hwaJesu Kristu: Kuregerera neKuva neNyasha




Hunhu hweUmwari hwaJesu Kristu: Kuregerera neKuva neNyasha






Kunzwisisa kuti Jesu Kristu anotiregerera uye ane tsitsi kwatiri kunokwanisa kutibatsira kuregerera nokutaridza tsitsi kuna vamwe. “Jesu Kristu ndiye Muenzaniso wedu,” vakadaro Mutungamiri Thomas S. Monson. Upenyu hwake hwakanga huri nhaka yerudo. Vairwara Akaporesa; vaitarisirwa pasi Akavasimudzira; mutadzi Akamuponesa. Pekupedzisira mhomho yaiva nehasha yakatora upenyu Hwake. Asi zvakadaro anorira kubva pachikomo cheGorogota mazwi anoti: “Baba, muvakanganwire; nokuti havazive chavanoita” 4—muenzaniso wakanakisisa muupenyu huno wemutsa nerudo.
Hunhu hweUmwari hwaJesu Kristu: Kuregerera neKuva neNyasha


1. Kana tikaregerera vamwe zvitadzo zvavo, Baba vedu Vokudenga vanozotiregererawo. Jesu anotikumbira kuti “ivai netsitsi, saBaba venyu vanetsitsivo (Ruka 6:36). “Ruregerero ku zvivi zvedu runouya nezvidikanwi,” vakadaro Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwekutanga. “Tinofanira kutendeuka. … Hatina here tose, paneimwe nguva, kuenda takazvirereka kuchigaro chetsitsi tikanoteterera nyasha? … Hatina here kushuvira nesimba redu rose remweya—kuti tiregererwe zvitadzo zvatakaita uye zvivi zvatakapara? …Bvumira Rudzikinuro rwaKristu kushandura nokuporesa mwoyo wako. Dananai Regereranai.”

2. Kubva muMagwaro Matsvene

“Tinofanira kuregerera kunyangwe sokuregererwa kwatinoitwa,” vakadaro Gosa Jeffrey R. Holland veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri.

3 Nyaya yemwanakomana akarasika inotitaridza mativi ese eruregerero: mumwe mwanakomana anoregererwa uye mumwe mwanakomana anotambudzika kuregerera.

Mwanakomana mudiki akatora nhaka yake, akaiparadza nokukurumidza, uye nzara huru payakasvika akashanda achiita basa rokupa nguruve zvokudya. Magwaro matsvene anoti “zvino wakati achizvifunga,” akadzokera kumusha akati kuna baba vake akanga asingakodzeri kuva mwanakomana wavo. Asi baba vake vakamuregerera uye vakabaya mhuru yakakodzwa yemabiko. Mwanakomna mukuru akadzoka kubva kwaaishanda muminda uye akashatirwa. Akayeuchidza baba vake kuti iye akanga ashanda kwemakore akawanda, asingadarikiri mirairo, asi “hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare.” Baba vakapindura kwaari vakati, “Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako. Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munun’una wako uyu wakanga afa, wararama; wakanga arasika, akawanika” (ona Ruka 15:11–32).



Church of Jesus Christ

www.reliefsociety.lds.org.


Musi wesvondo tese kuchurch!


Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.


avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp