Mhuka Inonzi Munhu Haidi Kuti Tifanane

 "MHUKA INONZI MUNHU HAIDI KUTI MUFANANE" 




Ndiye akandiudza kukosha kwemotor rimwe zuva andipa lift. Vhangeri raakandiparidzira ndakarinzwa zvasaka ndizomubvunza nezve maJAPANESE CARS ndafunga kunotorawo yangu ndega kunze. Mhinduro dzaakandipa dzakandipedza power so. Nezuro uno uyu ndiye aitaura zvekukosha kwemotor ndamukumbira lift. But nhasi ndaakuchida kunotorawo yangu vhangeri rake rachinja akutaura zvekusasimba kwemotor nekudhura kwefuel nei nei. 

Mhuka Inonzi Munhu Haidi Kuti Tifanane


Kuti chete ndisatenge, chaanoda kuti ndirambe ndichibegger haadi kuti ndifanane naye. Nyambisirwa itsika yemunhu kuti urambe uchikumbira kuisa mvura mufridge make,kana kuramba uchiona wrestling nebhora mumba make. Same munhu aikuudza kuti tv yakanaka inokutandadza paunomubvunza bvunza wakuda kutenga yako anotanga kushora tv zvekuti ukapusa hauitenge . 


Bartemius raive bofu achigara paside peroad achibegger. Rimwe zuva ndokuparidzirwa zvaJESU iye ndokuziva kuti ndikaenda kuna JESU hubofu plus kubegger kunopera. MARK 10:47-48 Vacho vakamuudza kuti ndi JESU arikupfuura ndovakatanga kumudzivisa kusheedza JESU. URIKUZVIONA HERE KUTI VANEMAZISO NDOVAIRAMBIDZA ASINA MAZISO. I think vaito regretter kuti chatambomudzira kuti ndiJESU chi honai akuda kuona sesu manje.Ummmmmh munhu haadi kuti mufanane. Bartemius achiita NOISE isina musoro yekukumbira ma 1 rand hapana akamurambidza. Paakazoita NOISE inemusoro yekusheedzera kuti'"Jesus son of david have mercy on me" NDOPAAKATANGA KUNYARARIDZWA. 


MHUKA INONZI MUNHU haidi kuti mufanane ,usatarisire kunzi makorokoto tarisira kunzi matenga zhingzhong. Anotokudza kuti mwana wako achangopedza form 4 dai agara mumusha munemabasa hobho asi ivo vake vari kuHARARE. Unoshorerwa passport zvekuti hauitore asi iye aine yake. 


Musi wesvondo tese kuchurch!




Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp