Ahhh Vasinganamate Ndovari Kubudirira?

Ahhh Vasinganamate Ndovari Kubudirira?




Zvaindishungurudza kuona shasha dzisinganamati dzichibudirira chose. Shuwa here kuchinjanisa mota kunge bhutsu, aaaaaaah! Mufundisi ndipo paarikukwenga pasi netsoka shasha isinganamati mota achitenga paadira. Kunamata kwaizoita kunge kusina maturo, pfambi hairstlye dzichichinjwa after two days mai muvhangeri kamwe pamwedzi miviri, uuuuuuuuuuuuh. Ko isuwo vana vanonamata seiko zvichidaro.

Ahhh Vasinganamate Ndovari Kubudirira


Nhasi ndauya nenyaya ichakusimbisa kana waimboshushikana kuti sei zvichidaro, MWARI havana kutikanganwa. Jezebel naAhabi, vanorangana kutenga munda waNaboth but anoramba achiti handingatengesi nhaka yamadzibaba angu. Jezebel anozourayisa Naboth ndokubva vatora zvavo munda uyoyo. 


Vanoona zvirimwa zvava mumunda vanongoti munda waAhabi nemhuri yake zvekuti vakautenga kana kuti zvakafamba sei zvaizikanwa nevaviri ava. Iwe nzwisisa nyaya iyi mudikanwi,,,,,unoziva here kuti muvhimi anogona kupisa sango rose achida kuuraya tsuro chete. Sango rine dzimwe mhuka nemiti nezvose kupera nokuda kwetsuro. Jezebel naAhabi vakauraya Naboth nekuda kwemunda asi ivo vane wavo. 


Munhu wakaipa anogona kutora chikwambo chinopedza dzinza rose nekuda mari chete. Mota dzichichinjaniswa but dzinza richipera zvaro. Iwe ndipo paunobva waona senge MWARI anyanya kuropafadza vatadzi. Uuuum. Izwa Mapisarema 73: 3-20: 


"Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa. Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba. Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu;
havatambudzwi nezvinotambudza vanhu. Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo;
vanozvishongedza nechisimba. Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo;
mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo. Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.
Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?” Ndizvo zvakaita vakaipa,
havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa;
ndinorangwa mangwanani ose. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa! Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka."


Ngatinamatei tichitarisa zvatinoitirwa naMWARI kwete zvaunoona kunext door kwazvabva haukuzivi. Jezebel naAhabi vakazoshaiswa mufaro naMWARI saka unogona kuchiva pfuma yeakamirira kurohwa zvake neshamhu. MWARI vanopa mhani ava mirira zvako zvichauya.


The blessing of the Lord makes rich and adds nosorrow, tine vanoty aMwari vakawanda vasimudzwa naMwari...YOU ARE NEXT! Usarase Mwari!


Musi wesvondo tese kuchurch!



Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp