Mai E Chibwe: Mukadzi Wangu Akafuta Manje Eish!

Mukadzi wangu is too fat. Ndikamutsiura anotsamwa for a long time, Hanzi unofanira kundida sezvandiri, but ndakamuroora akanaka zvokuti. Now at 34 ave twice the size. Not nice. HELP!.


Munhu wese akakora kupfuura pakafanira zvinokanganisa kufunga kwevanhu vari mumhuri yake. Kukoresa handi chinhu chakanaka.

Uko kuzokuti unofanisa kumuda sezvaari hazvirevi kuti haazivi kuti akakoresa asi kuti ari kutotamburawo nokukora kwake. Iwe usamushora pazviri asi kumukurudzira kuti ambowedzera ma EXERCISE sokuti kufambafamba zuva nezuva. Kukora kunoitiswa nokudya zvokudya zvisina kukufanira. 

Mumba menyu dzidzai kudya zvakakodzera uye kusawanza mafuta pakubika.
Mai E Chibwe: Mukadzi Wangu Akafuta Manje Eish!

Chokutanga kutaridza mukadzi wako rudo uye kumupa CONFIDENCE pane zvaanotaura uye kuita. Kana munhu akava nechimwe chinhu chaanoona sechisinganakidzi vamwe kuona, anobva aderedza CONFIDENCE. Ibasa rako iwe murume kubatsira mukadzi wako kuva munhu ane CONFIDENCE. Kana usingafariri kukora kwake tanga kuti muite maEXERCISE mese asi kana maita iwewo womupa mubairo pese paanoita.

Chinosvota ndechokuti munhu anofanira kukusapota paunoita dambudziko otanga kukushotopodza kutevedzera vokuzhe. Bodo handizvo. Taridza rudo kuti iye akwanise kukutaurira mafungire ake kuti ugomubatsira pane zvaanoita kugadzirisa.

Glory to God

Musi wesvondo tese kuchurch!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp