Usabvume Kuitiswa Iwe!

Usabvume Kuitiswa Iwe!






Manheru akanaka hama dzangu. Nhsi ndine kanyaya kadoko doko kandauya nako usati warara nhasi.


Ndinokumbira kuti unyatso dzamise pfungwa dzako pakuverenga kanyaya aka; Pane song yaJah Prayza inonzi Eriza. Vazhinji tinoiziva tose,, asi pane panondibata-bata pasong iyoyo. Unonzwa ichinzi:  "Eriza iwe dzokorora,, kutamba kwako kunondifungisa Katarina". 


Those lyrics anondidzimba moyo pose pandonzwa song iyoyo. Listen very carefully on these points, 

1). ari kutamba ndiEriza, 

2). arikubuda ziya nekutamba ndiEriza 

3). obva anzizve dzokorora, 

but arikutambirwa manje haasi kuona Eriza.. Just imagine!! atori busy kufunga zvake Katarina akafa kare-kare zvake. 

Kutonzi dzokorora,, uye wedzera kupfichuka kuti ini ndirambe zvangu ndichifunga mushakabvu Katarina. aaaah !!! hama vadikanwa, izvozvi tine dzimwe hama dziri kufa nekusevenza but pachinhambo chekuona chashandirwa hapana.

Usabvume Kuitiswa Iwe!


Pacompany chaipo unoshanda but promotion haiuye, instead your supervisor anotoitwa branch manager. Ukaita chakanaka hautendwe, instead panototendwa umwe asiri iwe.


Ukafunga bizness idea wauno udza or wawatanga naye anotoita mbiri iwe usina. Zvino nhasi ndaramba mweya waEriza wekutamba kuti mumwe munhu afunge Katarina. Nyangwe isu vamwe tinofa nekushanda but hapana chisvinu chinobuda. Tinomukira kubasa mashamba nzou,, asi manheru tinouya todya nemufushwa kwete nekuuda asi nekuti ndiwo uripo. 


Zvino ndati nhasi Mwari ngavatiwanirewo nyasha tidyewo matemba,, mufushwa,, nemachunks nekuzvida kwete nekuti ndizvo zviripo. Mweya inobata mafinances evana vevanhu ngaiparadzwe nhasi nezita raJesu.. some of us takapa hama mari tichiti rudo, ndokubva yano itirwa mhiko neku shandiswa zvisizvo. Ikozvino kunoshanda chinoonekwa hapana becoz someone akabata nekusunga mafinances ako. 


Takaudza dzimwe hama neshamwari maplans edu, tikanogarirwa mberi now progress hapasisina becoz pane akabata progress yako. Ini newe ngatibatane tirwise mweya waEriza kana tashanda ngationewo mafruits eziya redu. Let's fight ma anti-progressive spirits. Unonzwa zvichinzi neshoko "madzitateguru ndiwo akadya mazambiringa asi zvino nhasi hugugu hworwadza isu.." Hama tine zvatakaparirwa nevapenyu nevamwe vakafa now isu kuti tiite zvinhu hazvibude bcoz of zvakaitwa nasomeone. 


Ndiri kuti dai Mwari vazviratidza vatiwanira nyasha pahusiku hwanhasi tamborumurwa kubva mune dzatisina kupara.


Pakupedzisira ndinoti, "akachera gomba ngaambowira mugomba rake.. Akateya musungo ngambobatwa nemusungo wake.. Akavesa moto ngaambotsva nemoto wake..." 


Unozonzwa shoko roti zvekare "Iye  akadzima rugwaro rwaipikisana newe pazvinyorwa zvarwo.. Mwari ngavadzime rugwaro rwuri against your progress,, marriage,, relationship, business, children,, promotion,, family uye nechese chinonzi chako."



God bless you all.


Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp