Topic: Rurama Pazvose Mwari Vafare Newe

 Topic: Rurama Pazvose Mwari Vafare Newe




2 Kings 10vs18-36

Jehu paakabata ushe paSamaria akaparadza vaporofita vaBaari navose vainamata Baari. He also destroyed all its shrines nezvose zvavaishandisa pakunamata Baari. Pandaverenga, ndapa Jehu maCredits hobho. Akaita zvanga zvisina kumboitwa paIsraeri. Aratidza kuvenga vanoitira Mwari zvakaipa. 

 Topic: Rurama Pazvose Mwari Vafare Newe


I was surprised paverse 29, the same Jehu anonzi haana kurega kutevera zvivi zvaJeroboami zvekunamata zvimhuru zvendarama zvaiva paBeteri  neDani. Baari waparadzwa uye zvimhuru zvava kunamatwa naJehu kwese kutadza so aparadzirei zvake vamwe vake veDark Kingdom. Ko aregerei zvake kubva angoparadza zvose nezvimhuru zveDani neBeteri kunamata zvifananidzo kungobva kwapera?

.

Mbavha inogona kuvenga muroyi zvakaipa ichida dzimwe mbavha dzayo but kwese kushatira Mwari. Pfambi inofarira vamwe vemuIndustry mayo but haidi kunzwa nezvembavha but kushatira Mwari ndekumwe. Tine vamwe vatendi vanovenga zvimwe zvivi zvekuti havadi kana kunzwa pazvinotaurwa. Anovenga upombwe zvekuti akagumwa nemunhukadzi by mistake muKombi anozvidemba panaMwari. However, the same person hantie kunyima kwaanoita. Mai veruwadzano havadi kunzwa chinonzi makuhwa but kunyima ishasha. 

.

Haikona kuita saJehu akaparadza Baari nevatendi vake apedza kwakundonamata zvimhuru zvendarama paBeteri neDani. Munhu ngaatye Jehovha, amuterere avimbe naye. Zvanzikwa hazvo?


Musi wesvondo tese kuchurch!


Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.


avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp