Aunty Rhoda: Mother's Covering Pavana.

Aunty Rhoda: Mother's Covering Pavana.




Nhasi ndauya nedzidziso yangu yandichapa musoro weshoko wekuti " Mother's coverage / covering " Ndichitaura nezvemudzimai anonzi Rizipah ari mu book ra 2 Samuel 21.

Aunty Rhoda: Mother's Covering Pavana.


Pakaita Vana vaviri veumwe mudzimai ainzi Rizipah vakauraiwa kuripa mhosva ya baba Vavo Sauro. Ndoda unzwisise chinhu Ichi munhu anonzi Amai munhu anechivindi , munhu akakosha wandingati the pillar of children's strength , munhu ane Rudo. Vana vaRizipah vauraiwa ndoku sasikwa pamiti Kuti Shiri dzidye , Kuti mhuka dzidye. Rizipa challenges me "anoti hongu vangu vana varipa mhosva asika vanoda decent burial, ndazviona mavauraya asi kaa ko kuvadyisa neshiri azviiteka kuti mhuka dzidhonzerane mapfupa evana vangu ipapo ndaramba. 


Rizipah anotora saga ndokuenda kwanga kwakapachikwa zvitunha akati pano andibvi ndinorindira Vana vangu Masikati nemanheru pazvitunha ipapo ndiripo . Ndauya kwamuri madzimai Hoyo wako mwana mitiswa Hoyo amitisa Hoyo akuita zvemadrugs Hoyo Chave chidhakwa Uyo mwana Kuma clubs haachabve. Wako mwana ndiye anzi aripe mhosva yakaparwa nedzinza unoona nemaitiro Acho Kuti APA imhepo chete, Apa azvisi zvega mwana wangu pane zviripo chete . Chese chatadziwa zvinongonzi mwana wako zvese zvakashata zvinonzi mwana wako.


Iwe saamai how do you handle the situation?


Uri mai here vanoramba mwana?


Uri mai here vanoti corner to corner?


Raini to raini uchishambadza mwana wako.


Uri mai here vanozhakaa mwana?


Uri mai here vanotuka mwana?


Uri mai vanodzinga mwana?


Uri mai vanonyeya mwana?


Pano ndiri Kuda ana Amai vanoti zviomesei ndinogarira. Vana vangu ndinomutora ndoti JEHOVAH mwana wamakandipa ndibetserei kudzora. Ndinoti, Ishe wangu mwana wamakandipa imi ivai Mufudzi wake. Ndinoti Jehovah imi ndiudzei ndipei wisdom how to handle and deal with this case yaitwa, yawira mwana wangu. Handina wandinoudza. Andina wandinopa mhosva. Andina wandinorasira vana vangu. Nyika ichaziva Kuti Mai ve APO zviome sei, she will stand with her children. Mhuri yaramba, yaseka vana vangu ndinoramba ndakaisa covering yangu. HALLELUAJAH!!!


Zvinonzi shoko rakasvika kuti Rizipah akagarira vana vake, David akati endai munovaburutsa pamatanda vana varadzikwe zvakanaka. Ndati Shoko ngarifambe ngazvizikanwe kuti vako vana vanodawo rukudzo vanodawo decent living vanodawo love despite zvingadai zvakavawira. Iwe Mai ndiwe unogadzirisa situation yevana vako ndiwe unopa vanhu muono pamsoro pevana vako. Dedicate your children to God every day. Vana vanoda mother's covering nguva dzose pakugona kwavo kungava pakutadza kwavo stand with your children.


Musi wesvondo tese kuchurch!


Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.


avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp