Usaverenge Kana Usati Wagadzirira Kuita Imba (Marriage) Inomira

Usaverenge Kana Usati Wagadzirira Kuita Imba (Marriage) Inomira





UNGAGADZIRIRA SEI KUTI IMBA YAKO IZOMIRA?


Kana wafunga zvemba zvechokwadi, ungaita zvakanaka ukazvibvunza kuti, ‘Ndakanyatsogadzirira here?’ Mhinduro yacho haisi pakuti uri kunzwa sei nezverudo, zvepabonde, ushamwari, kana kuti kuva nevana. Asi, pane zvinhu zvokufunga nezvazvo zvinotarisirwa murume kana mukadzi ari kufunga zvemba.


Mukomana ari kutsvaka musikana wokuroora anofanira kufungisisa nezvemashoko aya: “Gadzirira basa rako kunze, urigadzirire mumunda. Pashure uvakewo imba yako.” (Zvirevo 24:27) Chii chiri kurehwa? Mumazuva iwayo, m

Usaverenge Kana Usati Wagadzirira Kuita Imba (Marriage) Inomira

urume paaida ‘kuvaka imba’ yake kana kuti kuroora, aifanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndakagadzirira kuriritira mudzimai nevana vatingazova navo here?’ Aifanira kutanga ashanda, achirima muminda yake. Ndizvo zvinofanira kuitwawo nhasi. Murume anoda kuroora anofanira kugadzirira kuva baba vemba. Chero bedzi aine utano, anenge achifanira kushanda. Shoko raMwari rinoti kana murume asingapi mhuri yake zvainoda, asina hanya nokuti iri kunzwa sei uye asingaitungamiriri pakunamata, akaipa kupfuura munhu asingatendi!—1 Timoti 5:8.



Mudzimai anosarudza kuroorwa anenge achibvumawo kuzoita mamwe mabasa anorema. Bhaibheri rinorumbidza humwe unyanzvi uye unhu hwakanaka hungava nomudzimai sezvaanobatsira murume wake uye achichengeta mhuri yake. (Zvirevo 31:10-31) Varume nevakadzi vanomhanyirira dzimba vanenge vachingozvifunga ivo chete, vasingafungi kuti zvii zvavachaitirawo wavanenge varoorana naye. Zvisinei, chinokosha kupfuura zvose ndechokuti vari kuda kuroorana vave vakagadzirira kushandisa zvinotaurwa naMwari mumba mavo.


Kugadzirira kuva nemba kunosanganisira kufungisisa zvinotarisirwa naMwari kuti murume nomudzimai vaite mumba. Murume anofanira kuziva zvazvinoreva kuva musoro wemba yechiKristu. Kuva musoro hakurevi kuti anofanira kuva mudzvinyiriri. Asi anofanira kutevedzera zvinoitwa naJesu somusoro. (VaEfeso 5:23) Saizvozvowo, mukadzi wechiKristu anofanira kunzwisisa basa rinoremekedzwa raamai vemba. Achada kuzviisa pasi po“mutemo womurume wake” here? (VaRoma 7:2) Iye zvino anotova pasi pomutemo waJehovha uye waKristu. (VaGaratiya 6:2) Kana aroorwa anenge ava pasi pomumwe mutemo womurume wake. Achatsigira uye achazviisa pasi pomurume asina kukwana here? Kana achiona zvichizomuomera, zviri nani kuti arege hake kuroorwa.


Uyezve, mumwe nomumwe wavo anofanira kuva akagadzirira kuzoita zvinodiwa nomumwe wake. (VaFiripi 2:4) Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” Achifuridzirwa naMwari, Pauro akaona kuti murume anoda kuremekedzwa zvikuru nomudzimai wake. Uye mudzimai anoda kunzwa kuti anodiwa nomurume wake.—VaEfeso 5:21-33.


Saka nguva yamunenge muchidanana musati maroorana haisi yokungonakidzwa. Inguva yokuti mukomana nomusikana vadzidzane, vaone kana zvichiita kuti varoorane. Inguvawo yokudzidza kuzvidzora! Muedzo wokuita zvinoitwa nevanhu vakaroorana zvakadai sokubatana-batana wakasimba, pakuti kukwezvana kwacho kuri muvanhu vose. Zvisinei, vaya vanonyatsodanana vachasiya kuita zvinhu zvinogona kukanganisa ukama hwomunhu wavanoda naMwari. (1 VaTesaronika 4:6) Saka kana muri kudanana, dzidzai kuzvidzora; zvichakubatsirai kwoupenyu hwose, kunyange kana mukasaroorana.


I pray God turns all the plans of your enemies into blessings in your life in JESUS' NAME.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.


avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp