Kurwarirwa Nemukadzi Or Mukadzi Kwenguva Refu

Kurwarirwa Nemukadzi Or Mukadzi Kwenguva Refu





Patino roorana paya tinoti nepa urwere. But chokwadi ndechekuti inyore uchipika mhiko chete nguva isati yakwana. Unombotanga uchiti haiwa pamwe chibayo chete or ndechekati achapora. Inosvika time yekuti chero nyaya kana muri vaviri dzatove kunetsa. Pamwe ari kuchipatara unoita zvekuno muona. 


Manje kana ari munhu wechidiki unoshaya munhu wekuita naye bonde kureva kuti nhamo yako inowedzera. Tinoona vakawanda vachizohura nekuda kwekungoda kutsvaga  comfort nemunhu waanoudza nhamo dzake.

Kurwarirwa Nemukadzi Or Mukadzi Kwenguva Refu


Kana uchiriritira murwere pamusha ziva kuti unokwanisa kutanga kuita zvinhu zvausinga nzwisise kuti zvirikubvepi. 

Like:👇

👉Kuitira murwere hasha. 

👉Kugara uchi chema kana uri wega. 

👉Kuitira murwere  hutsinye iwe wange uri munhu ane tsitsi nerudo. 

👉Kushaya nyaya naye or kusanzwa kuda kuve padhuze naye.


Nzwisisa kuti zvese izvi zviri normal. Zvinoitika nenhau yefrustration. Kurwarirwa kunokanganisawo mental health yako. Mupfungwa mako unenge uchida umwe wako apore asi hauna zano rekuti womubatsira sei chaizvo.


Panguva iyi zama chose kukoka dzimwe hama dzekwako or dzeumwe wako. Inguva yekuti haufane kunge uri wega. Kana muri kunze kwenyika zvakaita kuJoni..inguva yekuti kana zvichikodzera imbodzokerai nemurwere kumusha. Kana kuti munokwidza imwe hama inouya muchibatsirana paurwere.

Kuve nevamwe vanhu kunokuita ukunde zvee muedzo wekuti utsvage wekuvaraidzana naye kunze kwekuti wanga wagara uine chihure zvako. Panguva iyi zama chose kuti usakundikane zvekuita upombwe nekuti panoitika zvakawanda wanda ipapa. Vamwe ndipo pavanoita mimba or kuitisa mimba situation yoita complicated kudarika kurwarirwa chete.

Namata neumwe wako nguva zhinji.

Kurudzira vafundisi nehama dzekutenda kuti dzishanye dzichibatsira nemunamata.

Kukurudzira shmwari dzemurwewre kumushanyira.

Kana uchimbogona kumuburitsa for a drive achifurwa nemhepo..

Kutsvaga zvikafu zvaanofarira.

Kukurudzira murwere nemashoko.

Iwew wacho unotodawo kubatsirwa nevamwe even counseling.


Take care of yourself. Tsvaga chimwe chino challenger mind yako. Kungave kuita gardening chaiko. Find something chaunoita progress pachiri zvinove zvinokupa motivation.


To those vari musituation iyi. I understand your situation. Mwari ngakuwanirei nyasha. I am also praying for a speedy recovery!!! Keep us posted!


I pray God turns all the plans of your enemies into blessings in your life in JESUS' NAME.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp