Kutenga Phone Yakabiwa

Kutenga Phone Yakabiwa


Muprofita Hagai 2 vrs 13

"Ipapo Hagai akati, Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here? Vapristi vakapindura, vakati, Chasvibiswa.

Aiwa nhasi handidi kukuvhara!

Haunyari here.? Ndati haunyari.? Here here mu Kristu akaita sewe anotenga Phone yakabiwa.! Ah.!? Unonzwa rugare here kufara nechinhu chiri kuchemedza mumwe?

Mumwe anonhonga phone igofonwa odzima, obvisa line oti ndapihwa na Mwari, zvichiitwa newe unonamata. Mumwe ari kutoverenga Vhangeri izvezvi ne Phone yakabiwa.
Kutenga Phone Yakabiwa
Kutenga Phone Yakabiwa

Kuda kutenga ma Phone embavha, chokwadi rega uvharwe mari, ubirwe utengeserwe Phone izere madhaka mukati nekuti unogomeresa mweya mutsvene ari mauri. Pane vanhu vanopondwa votorerwa Phone, iwe woitenga ne $50 Phone ye $380. Vanhu munozvitsvakira kutukwa nekurobwa nekudziya moto wembavha kwamunoita uku. Mu Kristu haatengi Phone kumatsotsi, dziregei kudzitenga tione kuti vanotengesera ani.

Hanzi ndakabirwawo saka handidzoseri munhu Phone yake yandanhonga, yatova yangu, haaa vatete huyai tikubhabhatidzei futi.

Halleluah vakatendeka chete.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp