Kukava Datya...Kutoriyambutsa...Amen!

Topic: Kukava datya kuriyambutsa


Genesis 45vs5

Pane imwe tsumo yeshona inoti, ‘kukava datya kuriyambusa’, ndaiwanira mukana nhasi. Kuyambuka kwakanaka but panguva yekukaviwa zvinorwadza hazvinakidzi. Muchinda wainzi Joseph akavengwa nemabrothers ake vakamutengesa kuboka ravaIshimaeri mushure vambomukanda mugomba. Vakamutenga vakaendawo vakandomutengesa kuna Portifa, ikoko akapomerwa kubata chibharo nemukadzi waPortifa akapinda mujeri ndokuzodudzira hope dzamambo akava mukuru wamatura. This is just a summary of Joseph’s journey to glory.
Kukava Datya...Kutoriyambutsa...Amen!
Kukava Datya...Kutoriyambutsa...Amen!

Patasvika, kwaita nzara Jacob anotuma vana Egypt ndiko kwaiva nechikafu. Genesis 45vs1-4, Joseph had to remind his brothers kuti ndini uya wamakatengesa. Iwe,,,vanga vatomukanganwa maybe nekukura plus the level yaanga ava. Vaisafungira kuti Joseph angazova mukuru wamatura, they were thinking kuti anogona ari Gardener somewhere. Ndafarira statement yaJoseph on verse 5, ‘zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno, nokuti Mwari wakandituma pamberi penyu kuti ndichengete upenyu’. Anowedzera futi on verse 8, ‘zvino hamuzimi makandituma asi Mwari,,,,’. Regai ndipinde mukuparidza.

Vanhu panyika havadi kuvengwa, vanogumbuka chose vakavengwa. Rungano rwaJoseph rwandipa kufara kana ndavengwa, ini ndava kutoda kuvengwa kwacho, kunobhadhara. Joseph ndiye akanyatsonzwisisa kuti mukuvengwa kwose vanhu vaisevenzeswa nasatan kuzama kuvhara destiny yake not knowing kuti varikukava datya. Nhasi ndirikuparidzira munhu anetswa nehama dzemurume, mudzimai ashungurudzwa kunyange nemurume wakamuroora, nherera yatambudzwa neverudzi rwekwake, mushandi anzwa nekuvengwa nevamwe pabasa,,,,, ndiye wandirikuda nhasi. Uyo arikuti wangu munyama here ndakatadzei. Mukuvengwa ikoko vimba naMwari. Vavengi vako vakatumwa naMwari kukuyambusa.

Penninah haana kuziva kuti svoto yose yaaipa pana Hana kwaiva kukava datya kuriyambusa (1 Samuel 1-2) pakatouya mwana Samuel munaziri waMwari. Vakaroverera Jesu pamuchinjikwa havana kuziva kuti varikukava datya mhiri, zvaakafambira zvava kuzadziswa. Ndinzwe hama yangu, vose varikukuti heeeeh uri mvana, heeeeh wakurisa, havasi kuziva kuti varikupfekedza ring kabisira. Vachikuseka kuti uri maid havasi kuziva kuti uri pa industrial attachment yahouse wife zvako nezita raJesu mupenyu. Kuvengwa hatikudi zvedu but kune ropafadzo at the end. Fara mukuvengwa varikukava datya mhiri. Ndanzikwa here?

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp