Handigoni Kutadzira Mwari Wangu

Topic: Handigoni kutadzira Mwari wangu


Genesis 39vs7-10

Yaaaaah iri shoko raMwari rinonakidza chose. Veduwee udzai nyika kuti shoko raMwari rakanakisa. Hongu ndinozviziva zvangu kuti chivi chinonetsa kusiya plus tinenge taedzwa kuti tizotadza but nhasi ndauya nepermanent solution. Joseph achikumbirwa kurara nemukadzi waPotifar anoti, ',,,,,,zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru kuti nditadzire Mwari'. (vs9). Joseph akabudirira kuramba pakutadza uku.

Apa ndogona kuwana vanotsigiranawo neni kuti dai vakakumbirwa bonde pakadaro vaibvuma nemufaro mukuru. Vamwewo ndivana dzawira mutswanda, vamwewo vachiti akajaidzwa. Chandadzidza apa, Joseph anoti, 'handingatadziri Mwari wangu'. Haasi kuti, ko kana tenzi wangu Potifar akazotibata? Ko kana tikazozikanwa? Handisati ndambozviita! Handizvigoni, ndinotya. Ko kana nhumbu ikazobata ini ndiri mutorwa paEgypt? Joseph anoti, 'handigoni kutadzira Mwari wangu'.
Handigoni Kutadzira Mwari Wangu
Handigoni Kutadzira Mwari Wangu

VaKristu vanhasi tisu tinokwezva kukundwa nemiedzo coz of the reasons dzatinopa pakuedzwa. Zvino nhai imi amai, kana mukakumbirwa kudanana moti, 'bodo mukuwasha hamuzivi here kuti ndakaroorwa?'. Marevei kana madai? Ko kana mukazopiwa maexamples evamwe vakadzi vakaroorwa vanoita izvozvo modii? Nhai iwe mutendi, ukanzi ngatibe pacompany woti, 'iiiiiih machinda ko kana tikazobatwa?'. Waramba here apa? Zvazvareva,,,,kana pakapiwa guarantee yekuti hamubatwi watova mbavha.

Nhai hanzvadzi saka munoti maramba kuita upombwe here kana muchiti, ndichiri mwana wechikoro? Kkkkkk kwanzi moda kundiputsira musha wangu. Kwanzi yaaaah ndanzvenga chivi. So? Heeeeh ini zvemagirlfriends handidi zvinopedza mari! Saka wati chii ipapa, ko ukawana girlfriend inokupa mari iwewe? Wodii? Iwe muYouth haikona kuudza munhu kuti NO SEX BEFORE MARRIAGE, ko kana ukazouudzwa zvazvakanakira, usapa satan mukana wekukuudza zvekwake? Udza munhu kuti, 'HANDIGONI KUTADZIRA MWARI WANGU'. Finish. Zvaringana?

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp