18+: Mai Chibwe: Ungaudza Umwe Wako Sei Kuti Hausi Kuguta

18+: Mai Chibwe: Ungaudza Umwe Wako Sei Kuti Hausi Kuguta









Ungaudza umwe wako sei kuti haasi kukugutsa.

1 Vamwe vanongoti Zii zvogara zvakadaro. Mumoyo anenge asina mufaro asi kuti ataure kuti chii chakaipa, hazvibudi. Ndivo vanhu vaunoona kuti mukadzi anonyebera kuti atunda iye asina. Murumewo haana hanya nomukadzi. Pakuvatana zvongoitwa zvechirango. Kana murume atunda anongosuduruka ofuratira mukadzi ototanga kuridza magwiriri. Pavaviri ava zviri nani vazviite nemaoko vakati uyu kwake uyu kwake.


2 Vamwewo vanoita zvokupopota kana kuratidza kutsamwa asi uya nyakutsamwigwa asingatozivi kuti chii chakanganisika. Kana ukaona munhu achingoti kana ane nyaya yaasingafari nayo opopota, hwisisa kuti COMMUNICATION SKILL yake iri pasipasi. Munhu anotodawo rubatsiro. Kana iwe uri murume/mukadzi wake, mudzidzise kuti kana ane zvaanoda kukuudza ngaataure akasununguka. Kana akuudza iwewo chirega kutsamwiswa nazvo. Chiratidza kufara kuti akwanisa kukudza uye kuti anoda zvigadziriswe. Chirongai mazano okugadzirisa.


3 Vamwe vanonoudza shamwari kuti murume/mukadzi haasi kugona basa. Kunge wakaroorana nomunhu akadai zvoreva kuti uri munhamo chaiyo. Kuudza vamwe vanhu zvinhu zvemumba zviri CONFIDENTIAL kureva kuti hauhwisisi kuti une musha. Munhu wawakaroorana naye akaziva kuti wakaudza vamwe vanhu iye asingazivi, haachakuudzi zvimwe zvinhu futi. Watovhara fungwa dzake pauri. Hazvishandi.


4 Vamwe vanotaura kuti chii chakanganisika mumba asi voita sokuwedzera kukoshesa nyaya kusvika pakuti uya nyakuudzwa anoona sokuti ndiyo nyaya chete mumusha inoda kugadziriswa. Tinoziva hedu kuti kuisana kwakakosha asi zviri nani kuti paunoudza umwe wako umuudze murudo kuti asavhunduswa nazvo. Zvikuru kana mange muri mese nguva refu ngazvisaita sokuti panguva yese iyi wange usingaguti. Zviri nani kuti Shamwari dai tambozama izvi kana izvo pane kuti zvauri kuita hazvigutsi. Iwewo kana waudzwa kuti ngatizame izvi, chirega kubvunza kuti wakazvidzidziswa nani izvozvo. Tevedzera nomoyo wese kana zvichinaka muchigaro ita.



18+: Mai Chibwe: Ungaudza Umwe Wako Sei Kuti Hausi Kuguta
5 Vamwewo vanoti akaudzwa chinhu chisiri kufamba zvakanaka otsamwa. Bodozve. Kuti akuudze aita nguva refu achifunga kuti okuudza sei. Iwe mbundikira murume/mukadzi wako womuudza kuti aita zvakanaka kukuudza. Wotomutukirira kuti sei asina kukasira kukuudza. Chimubvunza kuti todii. Pane zvatingaita here kuti tisimuke patiri tiende mberi. Uchaona kuti anofara nazvo. Mogara pasi mobvunza zvokuita moronga mese pamwe chete. Kana wahwisisa zvaunofanira kuita chitaridza kuti unoda kuenderera mberi zvakanaka nokufadzana mumba.

Nyaya dzese mumba dzinoda kuudza umwe wako murudo. Iyewo kugamuchira zvaaudzwa murudo. mogara pasi motsanangurirana nokubvunzana kusvika mese mahwisisa uye mawana zhira yokugadzirisa nyaya.




Pakuroorana:
Kana maroorana, kasirai kuwana mukana wekuva pedo nemoyo weumwe wako nguva dzese. Dzidzazve kutaudzana naye panyaye dzese dzemumba pamwe chete nedzokisana. Uchaona kuti mese munogara makasununguka pakuudzana zvinonaka nezvisinganaki.


Ukaita tsika yokubvunza umwe wako kuti ahwa sei pamaisana, kana kumirira mangwana wobvunza kuti zvaiva sei madeko. Iye okuudza. Usabvunza muri muBEDROOM. Bvunza muri patafura muchidya zvokudya. Kana uriwe wabvunza, ita tsika yokutaura chokwadi kuti umwe wako anatse kuhwisisa. Unokwanisa kuti


“Madeko zvainaka asi zvaikwanisa kuwedzera kunaka dai wakaramba uchindikwesha. Wakangoti kasirei zvishoma pakutunda. Zvainaka zvokuti kana usiku hwese ndaida tisane. “
Uchaona kuti pamunoisanazve anozama kukunonokera. Zvadaro iwe mukurudzire futi kusvika ava kukwanisa.
Kana mukadzi asingafariri zvechikapa, muudze zvinyoronyoro kuti kana achishandisa chiuno zvinonaka sei. Musi waashandisa chiuno, enda umutengere chimwe chinhu womuudza kuti nokuti akakunakira madeko nemashandisire aaiita chiuno. Hazvisi zvokutsoropodza asi kukurudzira murudo.


Nyaya inonetsa ndeyokuti kana wange wajaira mamwe maitire aunoziva kuti haakugutsi asi usina mukana wekuudza umwe wako kuti hauguti. Kuti ungozoti pese apa ndange ndisingaguti zvoratidza kuti uri munhu asina kuvimbika. Saka wana mukana wekumuudza zviri SOFT, uye womuudza kuti zvaimbonaka asi nokuda kwekungogarozviita hazvichanatsi kunaka. Pananai mukana wekutaura.

Kana murume wako ari mukuru chose pamakore zvinonetsa kumuudza kuti hazvisi kunatsonaka. Asi kana uchikwanisa chibhende kuti aone kuti pane chiri kushota ita chibhende. Hazvina kunaka kuti usiye nyaya yakadaro. Varume vakuru chose pavakadzi kazhinji vanhu vanoda kufadi vakadzi vavo vechidiki. Kana mukadzi wako ari mukuru pauri kazhinji uchaona kuti anogaroda kuhwisisa kuti unogutswa naye. Taura zvaunoda kuti aite.



Ngatihwisise kuti kuudzana kunonetsa chose nokuti vanhu vakawanda vanongoisana mudzimba umu pasina zvokutaurina. Inongori nyaya yokuti moisana zvopera zvakadaro kana zvakugutsa waguta. Kana zvisina kukugutsa hauna kuguta womirira mangwana. Asi zviri nani kuti mese mukwanise kutaurirana kuti mugare muchifara pamagarire enyu. Nyaya yokunakirana inyaya huru asi inyaya inonetsa kunatsa kutaudzana pairi. Unozohwa zvobuda pakutukana.






IF YOU AGREE SHARE NOW!!!

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp