"Zinyoka Muhari, Achida Kutora Mbeu Yangu:" Saba Magacha Speaks Out

My True story. Zinyoka muhari.Nemukadzi ayida kutora MaSperms angu.


Ndayive ndichiri mudiki mazuva a ndatanga kuita music ndichiri 18yrs or 20 ndomazuva andatanga kupisa pisa munhaudzekuparidza kuburikidza nekuimba. Hama dzangu ndicharangarira ndichiita face to face conversation namwari. Wayiva musi wemuGovera Ndakakokwa kunoimba kunechurch yaive kuMerick Park Melborane, semazuva ose ndainge ndakachena ndakapfeka suit inopenya. Mazuva ivavo ndaive ndisina mota or cell phone.

Takanga takokwa tiri vaimbi vanokwanisa kuita vashanu vane mukurumbira vamwe vacho vachirine mukurumbira nanhasi handikwanisi hangu kudoma nemazita. Ndakatumirwa motokari inouya kuzonditora nekuda kwe kuti ndakanga ndisina mota, Pandakasvika ndakasvika ndichiona mota hobhoo dzakanakisisa dzimwe dzandisingatombozivi uye church yacho ndakaona kuti yaive yemarudzi akasiyana siyana ma Nigerians, ma Zimbabweans nemamwe andisisarangarire. Zvisinei nguva yangu yekuti ndiimbe yakasvika, pandaiimba paive neumwe mukadzi mutsvuku aiuya achinongera achiratidza shamwari yake kuti uyu ndewangu uyu ndatora, mukadzi iyeye aive akanaka zvekuti handisat ndamboona mukadzi akanaka kudaro.
"Zinyoka Muhari, Achida Kutora Mbeu Yangu:" Saba Magacha Speaks Out
"Zinyoka Muhari, Achida Kutora Mbeu Yangu:" Saba Magacha Speaks Out

Zvese izvi zvaitika ndichiimba ndichizvinzwa zvichindikanganisa zvikuru. Zvisinei ndakapedza kuimba,pakauya umwe muimbi wechirume aive shamwari yangu akatangawo kuimba ,shamwari yemukadzi uya wekumbondinongedzera akatangawo kunongedzera shamwari yangu iyo ichiimba achongotaurawo zvimwe chete achiti uyu ndatora ndewangu achivhairira umwe wake. Yakazosvika nguva yekuti vaimbi vose vadiki ne vakuru vakange vapedza kuimba muchurch makatanga kupihwa chikafu but chikafu Ichi yaingove nyama nemvura chete asi yanyama yacho yaisaoneka kuti inyama rudzii, vamwe vose vakadya asi ini moyo wangu wakaramba handina kudya mvura or chikafu cheppo asi ndaive nenyota ne nzara asi moyo wakaramba,zvekuti dai ndaive nemotokari Dai ndakabuda ndikaenda but ndaifanirwa kupihwa transport yaizonondisiya kumba.

Ndakabuda panze mukadzi mutsvuku wekunaka uya haana kutora nguva ndokunditevera, haana kumbo waster nguva yake akabva atondiudza ipapo kuti iwewe ndakuda ndini ndiri ku kuendesa kumba ndakanzwa kutya. Akanditi ukangondibvuma chete kumba kune Mota 323 yakapaka isina driver achirembedza makeys kuratidzakuti yayizove yangu. Ndakapererwa ndikashaya kuti ndopindura kutii, aka ndidriver kunondisiya kumba nemota yake hombe tinted yeBlack. Tichisvika kumba akandisiya pagate ndikasvika ne kudya nekuvata handina wandakambotaurira. 

Zvisinei mangwana makuseni mukadzi uya akadzoka nekuti ndaive ndisina foni ,nekunyara kusada kuti vanhu vazive ndakakurumidza kunomuona akabva ati ndakuenda kutown nekutya kuti vanhu vasaone ndakapinda mumota tikaenda kuMiekles hotel panonwirwa tea paye ndiro zuva randakatanga kupinda muMiekles. Akataura neni achindinyengetedza zvikuru akandipa mari yakawanda yekunotenga hembe ndikairamba akandikumbira kuti ndiuye kumba kwake, akatora mazuva achiita izvi ndikamutaurira kuti ndanga ndisina kusununguka nema Hug anga akawandisa .Zvekwamwari mukadzi uyu ainhuhwirira zvekuti unomudya aigeza zvemashuwa.

Chimirochake changa chakawumbwa IiiiNekuda kwe kuti ndaiva namwari l could resist but dzimwe nguva semurume ndaimbofunga kaviri kuti ndosiya here ndotora here. Ndakambomira kutaura naye kwemwedzi after ndamutyityidzira kuti ndakuzoudza vanhu zvauri kuita. Ne kufamba kwenguva ndakatimirwa ticket voucher rekuno ita shopping ku South Africa ndichikwira ndege nekunorara muhotel yakanakisa. Ndakatambira ndikaenda mazuva ivavo ndakange ndave nembozha runhare asi kwakanga kusati kwave ne social media kwaingove nema emails only ndakange ndichiri kuenda kuchikoro. 

Mukadzi uyu akazodzoka akandiudza kuti ndiye ainge anditumira ma presents ekuenda ku South. Ndakabva ndangotanga kuona achindipenyera kuti ndinge ndiinaye, hazvina kutora mazuva maviri mukadzi uyu akanditaurira kuti aida kuenda neni kumba kwake uye aida kurara neni.. Hana yangu yakamborova ichiti ndisiyane nazvo asi akazouya akanditora tikaenda kuborrowdale kuye. Hama dzangu hapana chaisavemo mumbaumu goridhe rega rega chose chaive mumba imomo chaive chemhando yepamusoro soro.

Ndakasvika akandioffer chikafu ndikachiramba, asi hana hangu yairovera pamusoro soro zvekuti ndakambofunga kutiza asi ndayisava nenemota apa imba yake yaive nemazi duralwall akareba aye. Akabva ati akumbonogeza ini ndikasara ndigere ndichiongorora mumba ma ndaive ndiri..mukuongorora mifananidzo ndichitenderera nemba ndichiedza kuti ndione kuti munhu akadai ne zvese zviri muno akazviwanepi. Imba yaaigezera yainge yakabatana ne bedroom pamwe neyekutandarira. Mukadzi uyu akabuda akamonera towel achiita seari kunotora sipo nezvinonhuwirira akapfuura ndokunditsvoda ndikanzwa ropa rangu kumhanya nemuviri wese asi hana yangu yairovesa asi pfungwa dzichiti cumon uri murume don't disappoint apawo moyo wangu uchiti siyana nazvo tiza neupenyu hwako. 

Mukutenderera umu handina kuona kuti mainge muine flower pot hombe yakareba yakaiswa mahuswa nepakona ndichibva ndaigumha by mistake ikabva yanodonha ikapwanyika mukabva mabuda zinyoka zvihombe reblack rayive rakareba iine ruvara rusinganzwisike yellow blue black. Nyoka iyoyo yakamira kuita kunge ichasvika mu ceiling ichiratidza kuda kundikobora ichiridza kaSound. Muridzi wayo ndopandakangoona achibuda a chimhanya asina kupfeka nyokawo payakangoona tenzi yakabva yadzika pasi ndokuzvonyongoka yakanaka Kuna tenzi wayo, tenzi wayo achipfugamawo pasi achiombera ini handina kuzombogona kuona zvimwe zvese ndakangomhanya kusvikodhumira pa French door reglass ndichinobudira panze ndakachekwa nema glass but handina kana kuzviona

NdoKunosvetuka padurawall ndokunowira kuseri kwaivewo nezviminzwa zvihombe handina kana kuona kuti duralwall rakareba sei nekuti raive rakareba uye minzwa yose kana kuyinzwa.. Nguva dzainge dzave kuma 7pm kwasviba ndakamhanya ndichihwanda nezvikwenzi nemiti ndichifunga kuti ainditevera, pese pandaiona mota dzichipfuura ndaihwanda nechikwenzi nokuti ndainge ndofamba kubva kuborrowdale kuenda kutown. ndakasvika kutown paKarigamombe munguva dzekuma 11pm ndikasvika ndikaona paina tax man wandaiziva ndiye ega anga asara ndikangosvika ne kuvhura door nekuti handei kumba ndozokupa Mari yako mangwana.. Nzira yose aingobvunza kuti Younger are you alright asi ini ndaingorova ndimi.. Ndakasvika kumba akandisiya ndikavhurirwa door nasisi vayishanda kumba kwedu vanhu vose vaive vavata hapana wandakazivisa zvandakasangana nazvo ndakangotora towel ndikapukuta, ne kubvisa magirazi nekutumbura minzwa ndokurara.

Kwapera mazuva maviri Ndakarwara kwemwedziwese ndikayitasendichafa, ndayirota mukadzi uyu everyday tayibata munamato mazuva ose maDoctors hapana chavayiwona inini vabereki vangu handina kumboda kuvataurira nyayai ndayitya kuzovarwadzisa, asi ndinodakutenda mwari neminamato, nerimwe zuva ndakarota mukadzi uya achiti chitiregerawo tatsva nemoto takundikana asi vamwe vako takapedza navo unenharo tayida kutora ma(sperms) ako nekuti tayidasimba rako asi chitisiya tiyende, maPastor akauyawo zvekare mweya ukareva sekudaro. Kwapera mwenzi yakatiwandei ndayinge ndapora ndokutorana nevamwe kunotsvaga imba iya ndakayitachadzimira imba iyoyo handina kuyiwana, chero nanhasi.

Izvindazvitaurira kuti vanhu muzive kuti mwari variko ini ndakavawona nguvazhinji. Haikona kuchiva yeLife yemumwe nekudakwezvavainazvo plus musangorarerare nevanhu pesepese munoroyesa dzinza rese. Zvirokwazvo ndinotikwamuri am a true testimony Pamunondiwoma apa .

Am going to be sharing my LIFE with you please follow One Love.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp