MaYouth Edu: Cheating, Here It Is!

MaYouth Edu: Cheating, Here It Is!


MA YOUTH EDU.

CHEATING IS BAD. HEARTBREAKS ARE BAD

Ndapota vana. Church yedu inoti hunhu ndihwo munhu...ubuntu! Uye kekare inokurudzira hunhu hwakatwasuka hwechokwadi.

Vakomana ndapota ukange wazvitsvakira shamwari yemusikana waunoda kuroora, usapedza nguva yake uchimupa tariro yekuti ndicharoorwa, then at the last minute, ozongonzwa kuti watoroora or une mumwe musikana- heartbreak. Itsika yakaipa kwazvo iyoyo kushungurudza mweya wemumwe mwana wemumwe mubereki kuti mhuri yose pamwe vanetenge vatokutarisira kuti uchazo settler nemwana wavo, kuburikidza nerudo rwekunyengera rwaunovaratidza then last minute wokanya Munhu, worasisa munhu.

Chokwadi unozviita hako asi zvinorwadza chose uye kunyadzisa pakati pevanhu vanenge vakamboziva kuti munofambidzana kwenguva PAKATI PESANGANO FOR THAT MATTER.
MaYouth Edu: Cheating, Here It Is!
MaYouth Edu: Cheating, Here It Is!

Same nevasikanawo. Haisi tsika yakanaka kudhumhanisa vakomana zvekuti uya agara anga aka planner kuroora ano ora moyo or kuita heartbreak zvakare. Church redu rinodzidzisa kuita kwaka twasuka.

Kune varikuchema nekuitwa disappointed at last minute nevakomana vanopika pamberi pevasikana nepamberi pehama dzevasikana vacho, or even pamberi pesangano kuti vacharoora, then suddenly vobva vango shifter ma goal posts.

Varikunyanya kurwadziswa vasikana, and sometimes nevabereki vacho.

Okay okay, I know kuti chokwadi mukomana akakanywa nemusikana anogona kuchinja owana mumwe, even musikana akaitirwa zvaasingadi nemukomana, anogona kuchinjawo but, kune varikurwadzisa vamwe vana vevanhu pasina kana chimwechete chavatadzirwa. Chinamato hachitenderi kutamba nemoyo yevanhu, kutamba nemweya yevanhu, kurwadzisa mweya wa Mwari... Unorarama hupenyu hwako hwose uine chikwereti chekurwadzisa munhu . Unotongwa na Mwari.

Hazvidi kudaro musangano rimwechete

Ngazvipere.

John Mutasa

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp