China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Kugona Kutenga Girosari

China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Kugona Kutenga Girosari


Mumwe anopiwa mari BUT chinonzi grocery remumba rinopedzewo mwedzi or 2 weeks zvadzo haakwanise. Vamwe ndivana ndazvionerei grocery anototenga remwedzi but kamudyiro manje haripedzi mwedzi. Mumwe anopihwa mari asi haatenge grocery, anonotenga hembe wardrobe igoita seichatadza kufema.Mumwe ndiye anomhanyira kurukwa zvinodhura kuda kuita show off achichinja weave every two weeks

Mumwe unomuona paChicken Inn everyday. Asi mumbaaa munenge musina kana hupfu hwesadza or muriwo muriwo zvawo. Mumwe anotenga hongu zvinhu zvake asi mashandisirwo acho.

Hupfu - unoona mubin makazara sadza nekuti ririkibikwa rakawandisa.

Cooking oil mumuriwo uchiita kunyiminya nemafuta.
China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Kugona Kutenga Girosari
China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Kugona Kutenga Girosari

Washing powder iyi kungodurura nepepa.

Dishwashing liquid nemvura yadzumburudzwa inosara inefuro rekuti nendiro dzacho unodzishaya.

Hapana kana discipline pamadyiro izvozvo zvinoita kuti zvinhu nyangwe zvakatengwa zvakawanda zvipere zvisina tsarukano.

Ndosaka tati timbodzidzisana kutenga grocery

Pagrocery first start nemabasic... basic kureva zvinhu zvisingafanire kushaikwa mumba zvakaita se

▪️Hupfu

▪️Muriwo

▪️Salt

▪️Cooking oil

▪️Rice

▪️Flour

▪️Sugar

▪️Masamba

▪️Bathing soap

▪️Washing powder

▪️Green Bar

▪️Tissue

▪️Creams for your body

▪️Mari yematomatoes nemaonion unogona kuisa paside, asi unokwanisa kutengawo zvakati wandei (kana kutorawo mugarden mako

These are used daily, 24/7

Kana mari ichipo then you add now maspices ako aunoda ana ice cream, biscuits sweets, chocolate twui twui, yaa...Luxury iyo.

Watenga zvinhu iva nelist rezvese zvawatenga rekutracker grocery rako, paste the list somewhere mumba mako uchiona kuti ndikatenga zvakadai zvinondisvitsa pandichawana imwe mari here. And mark date rapera chinhu kuitira kuti kana waakutenga next time uzive maquantity kwawo ekutenga.

Kwete kungoita chero ndabika nekuti zviripo, chingwa ahutenge daily, you can cook rice nedovi for tea, flour unoita chimodho, mari yechingwa wotengawo cup or plate to add mukitchen mako. Hatisikuti don't buy bread but ahungadye chingwa everydayka seunoshanda kuPr**ton.

Vane mafridge, boil your beans pack mumacontainers dzatonhora paye, isa mufreezer, madomasi chaiwo blend or cut them small pieces pack them isa mufreezer, unozoona kuti ahubuditse mari daily, nyama cut mapieces pack them zvinoenderana nemhuri isa mufreezer, kuverenga mapiece hakusi kunyimaba;

chicken do the same.

Woitawo katime-table kemukichen

Monday beans

Tuesday beef

Wednesday cabbage

Thursday fish

Friday chicken


Weekend you choose zvimwewo zviri different, zvinonyatsonakawozve nekuti mhuri yese inenge iripo.

Hazvina kuperaba, tinazvo zvimwe zvatoziva zvinoitwa nemukadzi akangwarira. Ngatizvitaure tibatsirike, vekumaterrace vachinyora havo manotes.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp