Simbi Inopedza Maspots: Maggie!

SIMBI INOPEDZA MA-SPORTS


Handikanganwi zvakaitika pakauya kuzobvisirwa sisi. Vakuwasha vakange vauya nechikombi chavo.

Ave mangwana kuseni mkwasha akaenda kumugodhi kundochera mvura yokugeza mota. Akatora nguva yakareba asati adzoka kusvikira sisi vaenda kundoona kuti sei famba.

Shasha yakange yadonhedza ma keys emota mumugodhi. Vanhu vakaungana pamugodhi vachizama kuda kubatsira asi hapana akashinga kupinda mumugodhi nokuti wainge wakati dzamei zvawo uye katambo kacho kaikuudza kega kuti hazvipere zvakanaka.

Kwapera nguva vanhu vachingodzungaira mukomana wemombe akazoti *"Ngatishandisei speaker".*

Hapana akameka sense yacho. Mufudzi wemombe akazevezera something munzeve yomukwasha ndobva vaviri vatungamidzana vakananga kumota. Vakanogwejenura speaker ye radio mukombi kwakudzoka nayo pa position.
Simbi Inopedza Maspots: Maggie!
Simbi Inopedza Maspots: Maggie!

Chigaba chepamugodhi chakasunungurwa patambo yacho. Panzvimbo yachigaba ndobva pasungirirwa speaker.

Speaker yakadzikiswa kokutanga ndobva yadzoka yakatakura zvipikiri netumwe tusimbi tune ngura asi ma keys pange pasina.

Tambo yakakandwazve rwepiri speaker ndokudzoka yakaruma muromo webadza netumwe tusimbi zvakare.

Vanhu vakange vave kukurudirana zvino kuti speaker idzoke mumugodhi....

Haa this time wanikwe ma keys adzoka. Wati kufara kwakaita munhu ikoko.

Now, nyaya yangu iri paSIMBA re SIMBI inonzi MAGNET. We are talking about the invisible force.* Dzimwe nyaya dzirikushupa nhasi dziri kuda Magnet Concept. Hapachadiwi chigaba kana chi tin apa, pave kudiwa simba risina kujairika.

Mukomana weparuzevha akanzwisisa kuti mu speaker ye radio mune rimwe simba rinonhonga zvakafushirwa muvhu kana mumvura.

Hauna kundibata, ndati kune zvimwe zvinhu zvatora nguva zvisikubatika muhupenyu hwako zvave kuda Murume anonzi Jesu.

Pane nyaya dzemumusha dzave kuda Shoko raMwari rifambire.

Pane kubata kwewakaipa kwave kuda Mweya Mutsvene vafumure.

Hongu pane ma keys anofanirwa kuwanikwa asi tisati tawana ma keys pane dzimwe simbi dzine ngura mumugodhi umo dzinoda kubuda.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp