Kufumura Manjuzu: Apostle Kathumba Explains Njuzu

KUFUMURA MWEYA WENJUZU


Dzidziso naApostle B.Kathumba

Vakadzi vazhinji vakaroorwa, vakafirwa , vari single vava kuita zve matare enjuzu kana kuti vava vana manjuzu. Izvi zviri kusanganisira varume vechidiki vasina nhoroondo yekushanda muhupenyu hwavo. Asi vanenge vaine mari mota dzemhando yepamusoro.

Ini ndakatanga kuziva marine spirits ndichinyora nezvayo 2012 nguva yandaienda kubasa. Ndakaverenga zvinyorwa zvakawanda ndikaita tsvakurudzo ne zve manjuzu. Kana Uchida kuziva zvakawanda nezvemanjuzu verenga zvinyorwa zvemurume ane mukurumbira anonzi Daniel Olukoya we MFM (Ministries Mountain of Fire) kana kutsvaga pdf risinga bhadhariswe remurume anonzi Debo Daniel .

Kwakarwiwa kudenga Lucifer nengirozi dzake vakakandirwa pasi . Pangirozi dzakadonha paiva ne one third.

Revelation 12:9: "And the great dragon was cast out, that old serpent, called the Devil, and Satan, which deceiveth the whole world: he was cast out into the earth, and his angels were cast out with him."

Chikamu chikuru chenyika ino imvura( 2/3 ) pangirozi dzekudonha zhinji dzakawira mumvura .

Unoziva sei kuti munhu arikuita zve njuzu?

1. Mapfekero

Vazhinji vanopfeka silk , hembe dzinopenya . Kupfeka kunoburitsa zvakahwanda pachena.

2. Kuda mhete zvakanyanya ( too much love of jewellery.

Mhino, guvhu, rurimi, anklets ( chain dzekumakumbo

3. Kuda kuzvimirira ega . Kusada kutongwa nemumwe munhu.

4. Vazhinji vari mumapoka aya emanjuzu vanoda ma Party,mafaro ekudzoka mangwana kana mambakwedza.

5. Chikwata chizhinji hachidi zvemba asi kufara . Manjuzu or marine spirits is an anti marriage spirit. Vazhinji vanoshandisa dendere pamurume . Shiri ikaita manyana ayo haidzoke kuzokandira mazai rwepiri mudendere imomo. Mhuri yeshiri inoita aziva kwakwe aziva kwake. Ngwarira kushandirwa mopihwa dendere munenge maparadza imba yenyu mega.

6. Hapana anonamata anoita zvebute. Kune bute rakasiyana siyana. Bute rematare nebute rehondo. Vanasikana vazhinji vakutogara nenhekwe nana baba vechidiki vachi feeder ma twins ( mhino) Manjuzu ine hukama nechivanhu zvizhinji . Njuzu inokupa pfuma kwekanguva yozokutorera.
Kufumura Manjuzu: Apostle Kathumba Explains Njuzu
Kufumura Manjuzu: Apostle Kathumba Explains Njuzu

7. Pane connection yakasimba mvura nenjuzu.

_ njuzu inogara kumvura

-njuzu inotora vanhu sechamupupuri

_ njuzu ikauraya munhu inomutevera kwaari kuchemerwa

_ anamanjuzu vanoda mafaro

- vanorota zvinoitika

- anamanjuzu vanorapa

8. Anamanjuzu vanoenda kumvura ne Rice( mupunga) ma Sweets asiri emamint ( vanoti njuzu inozokachidzwa) Vanoenda nehwahwa hwemumabhodhoro( chibhodhoro ) Machira aichengetwa mu wardrobe achiitiswa zvechivanhu ndiyo ya Hairstyle hazvishamise kuona munhu aine musoro we purple kana kuita sa Judge wemumatare edzimhosva.

Kune nzvimbo here inogarwa nevanenge vatorwa nenjuzu?

Hongu iriko ? Vazhinji vanenge vatorwa nenjuzu nechamupupuri kana mhepo vanozodzoka vava kurapa. Mumaguta medu mava nevechiki n'anga. Vechivanhu vanoti kana munhu atorwa nenjuzu musacheme anofa. Ndinoziva vanhu vairi vakatorwa nenjuzu vakafa mhepo ine dutu guru nemvura zvikatevera kumba kwaichemerwa vashakabvu.

Manjuzu yatova religion. The church must not slumber. Yapinda munharaunda nemukereke

Nzvimbo dzemanjuzu

1. Kwese kune madziva kumwe kunoyera .

Vanhu vavakuenda kumapira kunoita zvekumvura.

Murehwa Nyaguve River . Vasikana vari ku hire mota kunoita mhiko nekubhabhatidzwa kuna Nyaguve , Shamva, Mt Darwin, Matopos, Njelele. Kwese kune madziva anoyera ndiko kuri kuendwa.

Vamwe vanoenda pa Waterfalls apa mu Harare.

Bata ichi: hakuna chinonzi kugeza munyama asi kuti munhu anenge achirooreswa kumhiko dzekumvura.

Kumanjuzu kunodiwa commitment se kumuka rungwanani ngwanani uchiteketerera( enchantments ndiwo munamato wavo. Mwari anorambidza kuteketerera Numbers 23 v 23 . Unonzi utenge chibhodhoro, bute, ma sweets, machira ne rice . Une ndiri yaunofanira kushandisa iwewe chete kuita zve rice.

Mvura ndiyo Altar yevanhu ava inonzi marine Altar .

Altar chii?

Inzvimbo inosangana manjuzu ( munhu arikuita zvenjuzu namwari wake kana nemidzimu yake. ) A place where evil spirits meet. A place of sacrifice, a place of spiritual exchange. Spiritual dining table saka kuchiendwa nezvekudya. Njuzu inotojuswa se phone. Vamwe vanokanda ma coins kumvura.

Ma accidents mazhinji anoitika pa mabridge pane mvura. Its a blood thirst Kingdom inoda ropa.

Nzvimbo zhinji dzevanamati venjuzu kana mweya iyi pane mukonde , hari ,tsanga nehurungudo( matombo ekumvura. Ukatora tsanga kana hurungudo waita point of contact ne marine spirit kana chese chaunenge wanzi enda nacho kumba maita sungano ne contact. Ngwarirai zvamunopihwa kuisa kumba.Vamwe vanonzi vauye nemazai . Zai rinomirira destiny, hupenyu rinomirirazve ropa .

Njuzu ine shanje haidi kuti akakuroora agare kana kurara newe. Panoitika shanje. Ndinoziva musikana akange aine mweya uyu aidanana nevarume vatatu nguva yakasiyana siyana. Vese vakadzingwa mabasa ,vakadzimara vava kufamba netsoka ivo vari vanhu vainge vaine motokari. Inoitisa akakuroora rombe.

Ma Deliverance Ministry mazhinji nema Prophetic Ministries vanomhanyisana nehuroyi wekumusha. Satani ava paimwe level marine witchcraft (ngwarirai ma one on one ne Praise and Worship.)

Mweya uyu is anti- marriage. Tarisai zvinyorwa zvangu kubva 2014 pa Facebook Apostl (pasina e ) Bigboy Kathumba nyaya iyi ndagara ndichiidzidzisa.

Iye zvino yazodzika midzi , the church must stand in the gap and pray.

Vafundisi vazhinji vari kuita gumbo mumba gumbo panze . Vazodziwa vazhinji ava magariro avo kurara ne strange women and men .

Jesu avakudzoka. The church has been infiltrated , vazodziwa vari kunyadziswa nemweya uwu .

Ukadanana nemunhu ane spiritual spouse iwe uchigara kure inokuvinga yokuti siyana nemukadzi wangu kana murume wangu.

Mweya uyu unokonzera

Marital delay

Divorce 90 Percent

Hasha

Chiramwa

Kusanyengerera

Kushaya hanya nemhuri yako

Rough

Kusada bonde neakakuroora

Kuita chipfambi

Kunyengwa nevarume vevanhu.

Kunyengwa nevana vadiki ana Ben 10 vezera rako hauvaone kwauri

Kuda smart zvakanyanyisa

Kusema sema

Kubroka broka

Kusadzorerwa zvikwereti.

Kurota hope dzinoitika .(havasi vese vanorota hope dzinoitika vane mweya uyu).

Kuda easy life zvakapfava se honye.

Kusaona kuti wakura unoda kuti udzikame.

Hauone kuti uri kufuririka kana kurasiswa asi unenge uchitoona uri iwe urikurira( mutauronwemazuva ano.)

Mhedzisiro

Mhedzisiro rufu.

Mhedzisiro kuparara kwe mhuri.

Mhedzisiro kurwara

Kana wakapinda mumanjuzu nekusaziva asi hauchazvida ngatitaure . Mwari akaregerera mazuva ekusaziva.

Mumaraini vanasikina vabhebha ne manjuzu , mumaguta eJoburg, Cape Town, Harare unotoona kuti uyu ndimanjuzu. Kune muimbi we mu Harare aita mukurumbira anoimba zvechivanhu achiita zvebute ari wechidiki. Manjuzu, nekuimba, nekudhakwa , nemafaro zvinoenderana.

Vamwe vanotsvaka pfuma kugungwa ( vamwe kurombera kumvura )

Haasi ma All white parties akachena Mweya iyi ine nyika nenzvimbo kwayawaridza bonde SA( CapeTown ) Armsterdam ku Holland kana kuti Netherlands uko kunowanikwa sex museum unobhadhara kurara nemukadzi waunoda. Makungwa e Mozambique , Indian Ocean nemamwe ma Oceans kunogara ma queen of the coast. Kune njuzu rume nenjuzu hadzi Dagon akanga ari njuzurume . 1 Sam 5 v 2

Ndinonzi Apostle Bigboy Kathumba ndinowanika Pa Old Shell House opposite Liquenda House mu Third Floor.

Apostle B Kathumba

Contacts:... +26377 251 3387, Email:...apostlebkath@gmail.com

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp