Itawo Segondo

GORE RINO ndinoda kuti uite se gondo.


Shoko roti Vanomirira Jehova, vachapihwa simba idzva. Ivo vanomhanya vasinganete vachapihwa simba guru. Isaiah 40:31

Inzwa zvidzidzo 4 kubva kugondo

1: Gondo ndomambo weshiri dzose. Rinobhururuka kusvika kumakore kusingasvike dzimwe shiri.

Mwari ngavakusimudze kusvika pamusoro soro pasati pasvikwa chero nani kudzinza kwenyu.
Itawo Segondo
Itawo Segondo

2: Gondo haritye dutu.

Ndoda kuti usatye zvauchasangana nazvo, nhamo nematambudziko.. Kungava kufirwa, kurwarirwa kana kushaiwa.

Ndati gore rino usatya ita se gondo, rinoenda kurikubva dutu.

Panohwanda dzimwe shiri iro rinovhima.

3: Gondo rinoona chero kanhu kadiki riri muchadenga.

Iva nemaziso anoona mikana yakanaka. Tsvaga chekuita kana chekutengesa. Ona pane mikana segondo. Iva nemaziso anoona pane mari. Usangochema chema, tengesa chero musika chaiwo.

4: Gondo rinobata chero nyoka.

Vavengi vako ngavazive kuti hautangike. Wana nguva yekutsanya uchiverengawo bhaibheri rako.

Zvese zviri kugadzirwa nemuvengi ngazviparare nezita raJesu Kristu.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp