Dzidziso kunanamai vose, vanasikana nevaroora. 


Kuchengeta mubereki hakusi kutenga kana kutumira Mari yegrocery chete. Kune zvakawanda zvavanodawo.


1. Tengai mapants , pitikoti, handbags, umbrella nemaskin tight. Vanamai havatenge unozoona vaakutora pafiwa nehama vachipfeka. Tengai neababa kana vachiri vapenyu. Masocks, madhuku, Zambia, tie , sunhats zvakakosha mufunge.

2. Paunovashanyira Tora mukana vekuwawachira uchiona zvavasina nekupisa madzoto. Vane rudo chaizvo nezvinhu zvavo. Ukasapisa vanokupfekerai pant rakadhamba manyowani acho aripo vanotoachengetera kuti azogoviwe vafa.

3. Pagrocery isai futi matoothbrush and a few toiletries movadzidzisa kuzvishandisa nekurongedzawo toiletry bag ravo kana vaakufamba nekushanyira hama. Usasiya Mai wako vachinopemha kana kuita nherera kudzinhamo. Mutengewo nemabath towel, movakurudzira kuashandisa, rimwe rinonoiswa mubag vachigeza newesi.
Aunty Rhoda: Kuchengeta Vabereki Chaiko Madzimai
Aunty Rhoda: Kuchengeta Vabereki Chaiko Madzimai

3. Vatengereiwo zvimafleece or machari Aya ananaka ekumonera nekuendesawo kunhamo kwete kuti vaite mbiri yekubvutira vose vauya kumafunctions.

4. Vanodawo bag rakanaka rekuisira hembe vachifamba kwete machangani bag avanenge vabvisa grocery.

5. Kana Mari iripo tengai mibhedha yakanaka, mawardrobe mabedroom suite vararewo zvakanaka. Mai nababa vanoziva mibhedha yemuchipatara, upenyu kugonya pabonde. Kana uriko mubhedha dzimwe nguva raazita ndopakaberekerwa vana vose iyo zvino hautonyare kuvapa tuzukuru twekuisa futi pamubhedha iwoyo.

6. Usaite Mai wake vaonere zvakanaka kwevamwe. Vakaenda kuhama dzavo vanenge vachitaridzwa twese twese ko ivo vakashanyirwa vanoratidzei.

7. Kana Mari ichitendera vavakirei Misha yakanaka moishongedzawo. Mvura ngaive pedyo.

8. Tengaivo huku muvape vachengete ,vadyewo nyama nemazai vakasununguka kwete kuita upenyu hwenhamo kusvika vafa.

9. Koshesa utano hwavo. Kana vachinwa mapiritsi, ngaagare aripo kwete kumirira kufonerwa. Kukumbira kwakaoma weduwee. Tenga emwedzi mina ka mitanhatu.

10. Usatarise kuti umwe mwana aita sei. Kana vamwe vasiri kuita ita pako. Asi kana mose muchiita zvakanaka mutaurirane zvekutenga kwete kuti mose motenga chinhu one, vozoshaya zvimwe.

11. Yeukai mafamily function, muchiendawo mune zvamakabata. Mabirthdays avo akosheseiwo. Vamwe vari kuitira vabereki wavo masurprise party.

12.Tsika yekuita vana Mai mahousegirl vachisiya baba wega kumusha isvipei. Moda kuvarambanisa kuti zvadii.

13. Mubereki anofara achiona vana wake vachiwirirana. Usanyeya umwe mwana nemubereki, viriranai, kudzanai muchiita chinhu chimwe.

HAKUNA MUBEREKI MUROYI.VADE VADE, VAKAMBOKURA SEI KUSVIKA IPAPO

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.