Utsanana MuBedroom

Utsanana mu-bedroom


Imba yekurara inofanira kuva stress free, ndiyoka imba yekuzororera from all ma-stress, handiti?

Zvino eish ndimo munogara matsaga echibage,mitanda yemabhasikoro yakasungirirwa paRoof, wardrobe inoita kunge bus rekwakubvoruno,inenge yakazara zvinhu pamusoro ungati pane matsaga emawuyu, masawu hameno ikoko.
Utsanana MuBedroom
Utsanana MuBedroom

Idzo bhutsu dza19 gochanhembe dzakachengeterwei, kuseri kwedoor mabhachi akakokomara zvawo ariko hanzi iifavorite ndakaripihwa nasekuru Jimmy...uuhm gadzirisai mabedroom ayo ana mai.

Mazi bucket nezvigubhu kunge pachibhorani. Iwo mubhedha wacho wakatoturikwa pazvidhinha kunge ngarani yemagwere. Padivi apo, panotiwo mutariko unoti tumidzonga tuviri ukuwo koti mazichira asingatonzwisisike kunge matehwe Ku CSC. Pokufamba chaipo hamutorina hant makaisa mazi radio enyu emapuranga akakura kunge ma coffin. Kotiwo chi bag Cheka records chakanamirawo kumadziro. Imi rasai zvose izvo ,ndozvinokutumai kuvhumuka usiku, hamungakoni imi muchirara muninga imomo. Sarai nezvinhu zvamuri kushandisawo panguva ino, murase mabhanjo ayoo aripasi pemubhedha ,moadii nhasi uno. Ana mai clear. Your bedrooms mukwanisewo kuvhura mahwindo.

Ndiwane futi mu bedroom menyu makaita danga futi!

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Subscribe to www.pridesibiya.com, follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp