Kubatirana Kana Kusabatirana Mafoni Muwaniso

KUSABATIRANA MAFON MUWANANO


Chekutanga regai nditi. Phone dzinotengesa mumashop ndizvo.? Ini pano ndikaenda kushop ndichida phone munana ndine mukana wekuibaya baya chero ndisina kuti ndoda kuitenga kureva kuti phone haisi private. Kana yazotengwa nemunhu yave private ndizvo. Chinoita inzi private yave nhau yekuti aitenga aisa zvinhu zvake zvisisafane kuonekwa nevamwe. Chachinja zvinhu yave nhau yezvaiswamo not phone.

Saka ukaona mumarriage mave kunzi usabate fon yangu I private device. Ukangonzwa umwe ako asisade nefon yake chiziva kuti mumba mapinda gonye. Nekuti murume nemukadzi vanokumurana hembe nekubatana maprivate parts pasina restriction. Ko chinozoitisa fon private chave chii pakati pevaviri ava.
Kubatirana Kana Kusabatirana Mafoni Muwaniso
Kubatirana Kana Kusabatirana Mafoni Muwaniso

Saka kune vanoti handidi kuzvipa stress or handidi kutsvaga makudo mugomo. Haisi nhau yemakudo iyi. Inhau yeupenyu hwako. Inhau yeutano hwako. Kuti handidi kutsvaga makudo kwakangofanana nekuti handidi kunotorwa ropa nekuti ndikabatwa HIV ndozoita stress.

Munhu anohura madiro umwe asingazvioni. Zvoreva kuti mumba menyu munoita semuri right chose asi in actual fact the marriage is in danger, your health is at risk.

Zvazvakaipira ndezvekuti iwe usiri kukwanisa kubata fon yeumwe zvinogara zvakakudya pfungwa kuti tichiri tese or tave ma1-1. Kufungira kunogona kurwadza kudarika kuziva. Nekuti you cannot decide pakufungira. Asi ukaziva unotanga kutsvaga zvekuita about it. Makudo kusamatsvaga hakuite arege kudya mumunda mako. Anongodya. Saka hazvina kana musoro kuti handidi kumatsvaga iwe uchidyirwa munda.

Munhu akatanga kuramba nefon yake mumba. Start to use condoms mumba imomo. Nekuti chihure chaave kuita hachisisiri cheku kecha or one night stand. Atove nemunhu waari kuvimbisana naye zvihombe nekurara pasina protection. Usade peace inouya at a cost yeutano hwako. Usafunge kuti wakuputsa imba. Yagara yatanga kuputswa neuyo ave kuramba nefon yake. Iwewe uri kungozvichengetedza chete kubva kumunhu asisina hanya newe. Usangove iwe chete unokoshesa kunzwanana mumba.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp