Handinawo Munhu!

HANDINA MUNHU


Munhu munhu munhu,! Zvandiri kutaura kudai pane ari kudemba kuti pa interview inouya dai aive nemunhu waanoziva aiwana basa or nzvimbo ye college. Pane ari kutoshora family yaakazvarwa achingoti dai ari mwana wa Obama pasina zvinomunetsa. Ukavhunza sekuru avo vanogara apo kana kuti vaunowanzoona vachifamba ne road iyo vanokuudza kuti vaidawo upenyu hwakanaka, vochembera vari mumba mavo ku Belvedere vachidya Pension, vachitumirwa mari nevana nevakwasha uye makombi nemabhazi achiuya kuzo casher everyday asi nhasi yava hari yofanzirofa, kwave kusakara kwedovo, serisakambodyiwa nyama, nekuti vakashaya munhu.
Handinawo Munhu!
Handinawo Munhu!

Rega ndikuudze nhasi shamwari, there is a curse which is associated in trusting a man. Munhu haaiti, munhu anokurasisa, anokusimudza, onzwa godo, okuregedza, matambudziko, nhamo kana kushaya mari, dzidza kuvimba na Jesu asingarasisi. Vasikana vazhinji vakambomitiswa nevakomana vavakarara navo vachivimba kuti haandirasisi, vamwe havasisina humhandara, hwakatorwa nemunhu waaka truster asi akazomubatisa pasi.

Chirema chataverenga chepa Betesta, chaitovewo nehama asi chakashaya hama yaigona kurinda nacho kuti azochisundidzirawo mudziva kana mutumwa abvongodza, chiporewo. Hama dzaive busy nemabasa adzo asi imwe hama yavo ichitambura for 37 years padziva, atova sekuru ari ipapo nekuti kana akauya ipapo aine 33 years aidai vave ne 70 years. Munhu haavimbwe naye nekuti kunyange hama yako iri Minister unonzwa kuti amuka akafa, zvino iwe unenge uri pabasa nekuda kwake ndiko kutodzingwawo kwako.

Jesu wangu chandinoziva haana protocol, haapindi mudziva kuti abvongodze vanhu vagopora. Haaendi kumberi mberi kune vanhu vari kusundidzirana kupinda mudziva asi anotangira kune vasisina tariro kumashure shure. Vazhinji vari busy kusundidzirana mberi asi vari kusiya Jesu anorapa ari kumashure shure zvake nechirema. Chirema chinoti, handina munhu anondisundidzira, uripowo here usinawo anokupa start ye business, uripowo here usina munhu anokuroora, uripowo here usina munhu anokubatsira. Pane vanonzi Jesu we Nazareta, mwanakomana wa Mwari wekumusoro soro anonzi Jehovha. Iyeye kana auya , he will break all your limitations, zvisinei nekuti zvagarisa nguva yakaita sei.

Kubva nhasi handidi kunzwa uchiti HANDINA MUNHU. Usashuve kuve nehama dzine mari or dai wakaberekwa mu family ine mari nekuti tinaye hama yedu yakanaka, iye Jesu wakanaka, wakatifira pamuchinjikwa.

Halleluah!

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp