Dare ReVarume NaSekuru Mbambamba: Kunaka Kwakaita Small-House!

Dare ReVarume NaSekuru Mbambamba: Kunaka Kwakaita Small-House!


Kunaka kunoita smallhouse kuya. Kuya kwamunoti haa small house kumberi manje. Manakiro iwayo ndiwo manakiro anoitawo mukadzi wako kana akaita chikomba. Chikomba chinotofamba chichipembedza mukadzi wako iyeye wauri kushora kuti heeeey mukadzi wemunhu anonaka vakomana achiudza mashamwari ake. Same mukadzi wako iyeye. Handiti unoona mukadzi wese akatanga chihure unoona nemapant akupfeka manyowani. Kupoda poda kwave kuwedzera nekugeza. Dressing yakuchinja. Chikomba chinenge chichi chenesa ichocho.
Dare ReVarume NaSekuru Mbambamba: Kunaka Kwakaita Small-House!
Dare ReVarume NaSekuru Mbambamba: Kunaka Kwakaita Small-House!

Smallhouse yauri kupenga nayo iyi. Akatosiiwawo neumwe murume achinzi haaite, haanaki. Saka hapana zvamuri kuita imi.

Kunaka kuri mupfungwa dzako. Wako iyeye mukadzi ukachinja attitude yako towards her anotonaka chaizvo. Invest mumukadzi wako. Skin yakanaka haingouye nekugeza neIlangeni ozora vaseline. Mahure ari kutsvukira nemari dzenyu. Ko wadii kuti itsvukirise wako mukadzi and be proud of yourself kuti you produced a glorious woman. Bring out the best in her. Vakadzi vamuri kutsvaga muchiita vekuchinjanisa uchishaya kugutsikana,mukadzi iyeye akahwanda mukati memukadzi wawakaroora iyeye. Basa rako nderekuti uumbiridze mukadzi wako.

Wese mukadzi waunochiva muroad uchiona kutsvukira nemagaro. Pane arikuisa mari ipapo kuti runako irworwo rwuonekwe. Mhosva haisi yemukadzi wako. Asi mhosva ndeyako iwe. The more yaunoshoropodza mukadzi wako ndipo paunobuditsa hudofo hwako nekukundikana kwako.

Kuwanda kwemakore awagara nemukadzi wako,nekuonekera kwake nekutsvukira kunofana kuonekwa. Ibasa rako iroro kuita izvozvo. Kana mukadzi wako agezawo achena chena. Ratidza kuti wazviona and wafara nazvo. Kupembedzwa kunopawo munhu manyawi. Varume vazhinji muri shasha kucommenter vakadzi muma road nemuma facebook. Asi wako chaiye wemumba hauite. Kusvika iye atoneta aona sekuti hazvina chazvinobatsira nekuti waari kuitira wacho anoita sebofu. Chinjai varume.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp