Ngwarirai Phone Mumarriage!

Ngwarira phone yako shamwari usazoti avana kundiudza. 


Kana pane mudziyo uri kushandiswa na Satan kuparadza dzimba munguva ino chinhu chinonzi PHONE. Chinhu chidiki chino kwana muhomwe but chaputsa dzimba dzakawanda.

Kana uchida kuraramisa marriage yako munguva ino make sure phone yako haityise kubatwa nemurume kana mkadzi wako mumba. Kune vanhu vano buda ziya chairo kana phone ikapinda msg achigeza anoita seachabuda akashama .Hama ngatingwarire chinhu ichi.

Hapana chinhu chinopa mkadzi/murume rugare sekuti phone yako ino ringer okuudza then iwe woto daidzira kuti *dairai phone iyo I'm busy. Kunyanya mkadzi anobva anzwa akachengetedzeka mumba make.
Ngwarirai Phone Mumarriage!
Ngwarirai Phone Mumarriage!

Avoid ma pin code & pattern isinga ziikanwi neumwe wako. Chero pasina chakaipa mairi but kuikoshesa kwako kunopa umwe wako kufunga kuti chaya chengeterwa kudaro chii? Make sure phone yako ino shandisika chero usipo .

Ukaona uri mhando inema chats okuti ukapedza kutaura you delete kuti murume/mkadzi wako asaona ziva kuti mweya wechihure wakunyangira. Ko zvakanaka zvino dzimirwei uye zvakaipa zvino taurirwei .

Kune vamwe vanotova nemhando yema what's up inoenderana nemhando yehundururani hwake, inogona kuviga tsvina yema msgs zvokuti unopererwa. Baba /mai vakuru vanoita kubhadharira mari kutsvaka what's up yakadaro kuti vazviputsire imba zvakanaka. Ngatitendeukei Hama nguva ichipo tisazo chema mangwana. Ngwarira phone iyo Hama yangu. Unoziva here kuti unogona kugadzira hunherera hwevana vako pa phone yako?

Unoziva here kuti hurombe, kupfuma ,rufu unogona kuzvi gadzira pa phone yako izvozvi? Chokwadi baba/mai vakuru mungashinga kuchengeta phone izere vanhu vakashama? Vamwe ma pornography ari muma phone ,kudzidziswa bonde nema demons . Do you think kuti kune munhu ane dzaka kwana anoshinga kutorwa video raano ziva kuti richa tenderera the whole world achiita bonde? Unoshinga kuona ma demon achiita bonde uchitorwerwa rute pakadaro. Ngwarira phone iyo.

Chokwadi here kusvika pakukura muhunhubu kusvika pa level yoku saver number yepfambi kuti Doctor? Mazita arimu phone waka saver sei nhaiwe? Kana phone yawora nezvivi unoona baba vachigeza vakaruma phone pamuromo. Chokwadi uno donha weight nekuda kwe phone iyo yauri kuzviregeredza kudaro. Murume/mkadzi anosvika pakubatwa nehope akamirira kutamba nemunhu ari online.

Mumba tauriranai time yokudzima phone tomboita zvemhuri bcoz tinga chengetedza phone tichiuraya mhuri here nhai veduwe? Phone inogwarirwa kugara iripa 100% but rudo mumba 3% wadii kumbo chengetawo marriage yako. Chokwadi here mai vasingabvi online nekudura kwaakuita bundle but mkati vakapfeka tyt yakadambuka. Kuda phone kusvika pakukanganwa kuzvitengera nhumbi yakakosha nekuda kwana bundles. Ngwarira phone iyo hama inokuuraira marriage wakarivara.

Hama ngati tendeuke pamweya wapinda kupfurikidza nema phone edu. Chokwadi phone yokuti ika ringer munhu anondodairira panze asi memuchironga kuponda kani? Phone yakanaka baba vanongoti dzorai volume ye TV ndidaire phone mumba umomo ko zvakaipei?

Be blessed.

Have a wonderful and blessed day. Amen

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp