Dzidziso Kuvarume, Personal Grooming, And 41 Life Tips!

Dzidziso Kuvarume, Personal Grooming, And Life Tips!


Na Apostle B Kathumba

1. Kugeza chinhu chakakosha. - Munofanira kugeza mabva kubasa. Dikita rese remuswere wozuva ribve.

2. Nzwara ngadzigare dzakachekwa dziri pfupi.

3. Bvudzi ngarisakurisa. Avoid makwene, dikita.

- Nguva yeAfro yakapera. Itwawo cut yamunofara iwe nemukadzi wako.

- Usamakise mukadzi nema zibvudzi skating nyangarara kana mazindebvu asingaite.

4. Kana muchikwesha mazino itai macircular motion mumativi umu muchidrawer mazero netoothbrush. Toothbrush yaane zvekukweshesa zvarara rasai mutenge imwe.

- Rurimi ngarwugezwe kusvika raapink huwhite hwese ngaubve.

5. Hapwa dzinenge dendere kwete kana kunge makakaisa kiti muhapwa kwete.

- Shandisai hair remover kubvisa. Kana muchidikitira zvakanyanya zorai lemon kana soda.

6. Rimwe bvudzi remukati bvisai hapadiwe rasta kana kumonana sepattern yemajuzi.

- Gusai rive diki. Dikita ne zvindakwenya hamuzozviwane .

- Nhengo yababa ngairege kukombwa nesango.

- Dzorai rikanda shure munyatsodeza makona ese nesipo. Mukapedza pukutai, womai kana muine baby powder zorai.

- Dikita kana kukwenya kwenya pane vanhu hazviitike.

7. Kana muchigeza pakati pemagaro ngapageze nesipo chaizvo, magaro ngaagezwe, chitsitsino ngachikweshwe.
Dzidziso Kuvarume, Personal Grooming, And 41 Life Tips!
Dzidziso Kuvarume, Personal Grooming, And 41 Life Tips!

8. Muhapwa munokwesha nedombo nesipo. Hazvibatsire kuti wageza asi hapwa dzichikanda .

- Bvunzi ringango kura ndere mumusoro kumwe kwese kwete.

- Musafarire kupfeka vest (vhesi) imi musina kushambidzika muhapwa.

9. Pese pamagezere chinjai pant. Varume vazhinji tinoita week tiine pant rimwe hazvibude.

- Musapfeke ma trousers 3 kana 4. Nhengo dzenyu hadzizofeme zvakanaka. Panodiwa fresh air.

- Dzidzai kutenga ma underwear ne masocks.

- Masocks anodiwa akati ooo kuitira kuchinja. Hazvidi kuti masocks awomarare.

10. Musaswere makapfeka zijersey rebhora Saturday and Sunday or every weekend. Tinoziva team yenyu munoida.

11. Mukadzi ndiye mirror yenyu mubvunzei kuti ndiri sei?

12. Musati mabuda check zip, munzeve, mumhino kuti zvakamira sei.

13. Colour blocking iriko asi bhande rebrown ngarienderanewo neshangu dzebrown.

- Black belt ne black shoes. Kana uine kabag kana chikwana edza kumechesa (nyangwe chikwama chisingaonekwe).

14. Dzidza kutengawo Deo kwete kufamba usingaitire vari pedyo zvakanaka.

15. Bhutsu dzinogezwa kamwe pa 4 months kana uine dzakawanda kamwe pa 6 months.

- Varume vazhinji vanoti vakabvisa shangu pane vanhu, vakavakomberedza vanotambura nehwema. Izvi hazvina kunaka.

- Kana muri kumba isai tea bag mukati meshangu kunhuwa kunopera .

16 . Ngaive tsika yenyu kukwesha mazino makunorara. Mokurura hembe hatirare tiine zvipfeko.

17. Imi baba itisai munamato pamba muchibatsirwa naamayi.

- Ndimi muPurisita wemhuri yenyu. Pakudya nepakurara.

18 . Potai muchikurumidza kusvika pamba kwete kuuya vana varara Monday neFriday. Wonaiwo ma firimu nemhuri.

19 . Pamba panoonekwa kwete kungobuda. Taurai kwanuri kuenda.

20. Kana muine mota, mota haisi yeshamwari ndeye mhuri .

- Kwidzawo mukadzi nevana. Front seat nderaamayi (mukadzi wako) unless ati iye anoda kugara shure.

21. Dzidza kuronga zvinhu nemukadzi wako.

- Usaronge zvinhu naamai vako mukadzi wozoita zvekunzwa.

22. Kana vabereki vako vauya mudzimai ngaarege kunorara iwe uchiramba uina amai vako.

- Munounza kusawirirana. Mukadzi akaoneka kunorara iwe chibva waonekawo kunorara.
Dzidziso Kuvarume, Personal Grooming, And 41 Life Tips!
Dzidziso Kuvarume, Personal Grooming, And 41 Life Tips!

23. Masituation anosiyana siyana mudzimba vamwe vakawanda vamwe vashoma. Edzai kuenzanisa mukubatsira kwenyu.

24. Musakanganwe birthday remudzimai, remwana naambuya ( mother in law).

- Buy them something. Celebrate them.

25. Treat your wife well, love her, take her out, date her every day and often surprise her.

26. Ibasa rako murume kudzivirira ( to protect ) mukadzi wako paanorwiswa nehama dzako.

27. Iwe murume usaite tsika yekunoona vabereki vako uri wega unomakisa mukadzi wako.

28. Vanin'ina nehanzvadzi dzako ngadzizive kuti ma request ese anouya through mukadzi wako.

- Ma direct request anokonzeresa runyararo mumba uye anounza kufungirana.

29. Iva mucherechedzo wakanaka kuvana nevanhu vese.

30.Batsira mabasa epamba, kubatsira hakusi kudyiswa kana kudheererwa.

31. Murume itawo TOOLBOX ine ma basic tools flat screwdriver, star screwdriver, sando, pinjisi.

- Usati zvese zvese wadaidza anobatsira iwe usina chaunoziva. Zvimwe pota uchigadzira wega.

- Ivawo ne worksuit ne safety shoes.

32. Gonawo tambo dze plug, kuisa hinge pa door. Ma globe gonawo kuchinja nema fuse.

33. Ziva pant size yemukadzi wako.

34. Ziva favourite meal yemukadzi wako

35. Ziva favourite drink remukadzi wako.

36 . Ziva mukadzi wako zvaanoda nezvaasingade.

37. Pagona mukadzi wako mupembedze, paatadza tsuura nerudo.

38. Iwe murume bring food on the table.

39 . Iwe murume provide security for the family ndiro basa rako.

40. Usarege gedhi richidonga iwe uripo.

- Usarega washing line ichidambuka iwe uripo.

- Usarega door richidonha ma hinge iwe uripo.

- Maintenance ibasa remurume pamba.

41. Murume ngwara mgwara usapuse .

Vakadzi/ anamayi vanga vachema vachiti dzidziso dziri kuwandira kunana amayi.

Heyo yevarume. Kana pane zvasara wedzera kusvika dzimba dzanaka

Apostle B Kathumba

Contacts:... +26377 251 3387

Email:...apostlebkath@gmail.com

Have a wonderful and blessed day. Amen

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp