Dhimoni RemaMOOD!

Demon rema mood.


Kune munhu wekuti haana kutukwa haana kukanganisirwa asi zvikamubata anongomuka twakakwidza, may God deal with that demon once & for all. Hazvisi normal iwe kungomuka uchiti nhasi handisi kunzwa kuda kutaura nevanhu,wongomuka uri kwindi.

Mweya uyu ngaubve pauri muzita raJesu. Usaite se weather yekuti nhasi kune makore mangwana kune tumhute ,aiwa ramba mweya wema moods. Ukaona usinganzwe kuda kutaura nevanhu pamba kana nemurume kana mukadzi, ibva waziva kuti mweya uyu wakubata, iti Mwari ndisunungureyi!

Shuwa hauna kutukwa ,kungomuka twakakwidza ummm ,vanhu vaunogara navo vave kutoziva kuti mukaona vakadai nhasi twakabata ,urikupembedza satan nema demon ake ,ita mushe iwe. Shuwa vanhu voita busy kuda kuziva kuti wakatsamwei iwe pasina zvawaitwa haa ,ramba mweya uyu mhani. Atoriko mwana wekuti pamba vave kutoziva kuti ukaona akamuka akadai kana mabasa epamba haaite ,kutumika haatumike ,anenge angori ma moods ega ega.

Kutaura naye i-one word answer ,iko kuzoda kutobhesera iwe uri musikana kuvhundutsa vanhu ,ita mushe ramba kuti ma moods atore nzvimbo mu life yako. Zvako zvatove zvemweya izvo , shuwa kana zvakubata kana kuti vanhu mangwanani haugone ,kana twakakwidza unenge uchiimba ana dzinomwa Kuna save ,you have strange songs dzaunoimba kana twakakwidza ummm ,nhasi ramba mweya uyu nezita raJesu! Amai kana vakamuka twakavabata kana vana vanochiona ,munhu anoita kunge akaputa mbanje chaiyo ziso riri red kupembedza satan ,ramba mweya yema moods iwe!
Dhimoni RemaMOOD!
Dhimoni RemaMOOD!

Shuwa vanhu vopinda busy kukubvunza murikunzwei ,iwe oti hapana chandirikunzwa saka chii chirikuitika pane mweya wakabata. Haa even step inochinja kana twakakwidza munhu anenge achiita mutsindo kunge parikufamba nzou zvekuti munobva maziva kuti nhasi mwedzi mutete. Kana nzara munhu haainzwe kwete kuti akatsanya kwete, asi mweya uyu unoita kunge unofemera kuguta mudumbu remunhu.

Asi kumuti ngatitsanyei munhu eyeyu kkkkkk 10 dzosara dzokwana ave kutobvunda nenzara. Twakakwidza anoita kubhidhaira kunge munhu arikufamba akatakura mukwende. Pazuva ranhasi ramba mweya wema moods nezita raJesu.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp