China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Mudzimai Ndinzwe

VAKADZI NDINZWEI.


Murume wako uya uya. Iye uya anouya mumba na2am achibva kubhawa. Murume iyeye wausingabviri pamunamato iyeye kuti Mwari vapindire. Iye wako wawaposter kahobho kunetsa kwake muma group emadzimai uchinzi imba inovakwa nemunamato.

Unoziva here kuti ukaramba uchiita zveprayer chete muchachembera akadaro. Uchaguma wakutuka futi Mwari wacho..Paupenyu pane zvinhu zvisingadi prayer. Pane zvinhu zvinoda iwe kungoziva kuti woitei zvazvadai. Ukanzwa nzara iwewe you dont pray kuti rice riibve. You cook it wega. Hazvidi prayer.

Unoziva here kuti ukabaiwa nemunzwa iwewe. Haumboubvise nesame force yawapinda nayo. Unobvisa zviri slow. Ukabvunza varume vanokuudza kuti musi waakamborumwa nesvosve pamabhora ndiwo musi waakaziva kuti kumwe kutsamwiswa hakudi violence to avoud hurting yourself in the process.. Svosve rinouraiwa softly and slowly.
China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Mudzimai Ndinzwe
China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Mudzimai Ndinzwe

Chindinzwai pandiri kuenda. Unoziva here kuti murume wako akauya na2am. Womuka and womudziisira food odya uchimubvunza kuti afamba sei uye aswera sei. Kana makunorara womuti thank you dady nekuuya kumba. I know kune vasingatouye kumba kwacho. Izvozvo chete,kuita izvozvo kune mukana wakakurisa wekukuunzira shanduko mumba mako. Asi ukati murume anonoka kuuya woti haumuki kumupa food nekuti wakatsamwa. Mangwana kuseni wobva wapinda pafasting. Hauna zvaunenge uchiita.

Kumwe kwamunofunga kuti kungwara or kusajairirwa ndiko kunoita munhu asashaye nyadzi. Hakuna chinhu chinonyadzisa sekuitirwa zvakanaka nemunhu wauri kutadzira. Zvakangofanana nekuti murume okubata nechikomba oti chikomba buda uende. Osara oku hugger oti i love you. Vazhinji vakazvisunga nazvo izvi. Sometimes you dont need to say any word even if you have 1million words to say.

Submission is not based on the behaviour of your husband, haisi favour. Its a command yaunofana kutevera even if your husband is not the ideal man. You submit not to him but to his position as the head of the family to obey God. Musoro chero ukaita makwene unoramba uri musoro wako and ukada kutemwa nedombo unounzvengesa musoro iwoyo nekukubhohwa kwawo nemakwene.

Monoti why Jesu akati..."love your enermies."..behind this command there is peace and unity. And kana Jesu akati ida vavengi vako..ko murume wako abva anyanya kuita worse zvekudii. We dont obey God's commands nekuda kwema feelings edu kuti uri kufeeler sei. Wakatsamwa kudaro you have to do what you must do.

Zvese izvi zvekuti hee ndotsvagawo mushonga unoita murume wangu asiye doro. Itotenga doro racho uriwe rimwe rigare mufridge mumba imomo. Weekend iya mukira kugeza geza womubikira achiri akarara. Achingomuka mupe mvura yekugeza. Apedza womupa food achipedza ask muti hamukumboda 1 here nhai Samaita.Siya tsika yekuti kune bhora and you know murume wako anofarira bhora woisa Telemundo zvako. Support his team. Vamwe ipapa hamutozive team dzinodiwa nevarume venyu.. Onai mese bhora iroro. Kana telemundo yakakosha unozotsamwei kana akusiira telemundo yako iyoyo achinoonera bhora kubhawa. Unotsamwirei manje.

Make your home a heaven for your husband. A beautiful home is like a refugee for murume wako. After the whole day of stress and hard work murume anoda kuziva kuti now i am going to my palace. Palace yacho inenge ichitaurwa i1room yenyu iyoyo yeku renter iyoyo.

Ndinozviziva and handibhabhadziri kuti kune varume vasingachinji. Asi iwewe do the right thing iye womusiya nepart yake. Inga kuma Church munongoramba muchienda nekuita mitemo yeko even if pasina kana chiri kuchinja mulife menyu. Is church more important than your marriage.? Haugona kukudza nekufadza Mwari kana usati wagona kuremekedza murume wako. Ndakambozvitaura nezuro izvi. Nekuti Mwari anorarama muShoko rake. And Shoko rake rinoti..."Submit to your husband.."...harina kumboti..."submit when he does good to you.".

Play your part.

Stay blessed.

Have a wonderful and blessed day. Amen.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp