Mukadzi akatanga kuona waunoti hubby akashama ndivamwene vako. 


Usamudheerere munhu iyeye, muzukuru!

Mkadzi akatanga kuvhura chinhu cha-hubby wako ndivamwene vachichi gezesa chingada chaka ora usina chinhu chinoku pengesa nekunakirwa ukoo. Ivawo nemoyo wekutenda munhu akadaro, kunyangwe aine maweaknesses ake, handiti asikana?
China NaAunty Rhoda: Great Wisdom: Chenjera Amwene Vako!
China NaAunty Rhoda: Great Wisdom: Chenjera Amwene Vako!

Mukadzi akatanga kunzikwa kudziya kwechifuva chake nemurume wako ndivamwene vairara naye, achiyamwa zamu rake asati atomboziva kuti achazoyamwawo rako. Remekedza munhu akaita saiyeye!

Saka bond iyeyo inoda wisdom kumuroora kuti ndopinda sei manje vazhinji vanoda kusvika vari mberi ipo pachida wisdom. Kana uchida kuhwina nyaya iyi mzaya, ipa mukadzi iyeye chinzvimbo cheruremekedzo kuitira kuti iye akupe chako. Usada kukwikwidza naamwene nyangwe vakashata kana kunaka sei...even murume akanakirwa newe zvekuti anoti, "mai vangu muroyi," iwewe usapinde kana kudaira nyaya iyoyo. Itomuudza kuti vabereki havatukwe zvachose! Inokupandukira iyi...ahhhhh!

Chenjera kuzviita shasha yekurwisana navamwene vako uchifunga kuti uchahwina, hapana chaunokunda apa. Kunyangwe vakakuvenga, kunda nerudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu. Always remember, muzukuru, HAPANA CHINORWADZA MURUME WAKO SEKUTI MUKADZI WAANOPINDA MAARI ANOVENGANA NEMUKADZI WAAKABUDA MAARI!!!

USAKANGANWA KUTI IWEWE WASARIRWAWO NEMAKORE MASHOMA KUTI UITE VAMWENE, CHAUNODYARA NDICHO CHAUNOKOHWA!

What is your contribution to this topic? If you have a topic that you'd want other women to hear, please get in touch!

Have a wonderful and blessed day. Amen

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.