1. Kana wafirwa unoda kuti vanhu varare kumba kwako vakarinda chitunha hanty but wakambozvibvunzawo here kut ko iwe wakamborara wakachirinda kwaani and kangani?


2. Unoda kubvisirwa chema ko iwe wakambozvibvunza kuti kwevamwe unombobvisawo here kana ndiro yehupfu hayo?

3. Tokunzwai muchireva muchiti mai nhingi vanotamba sebenzi ,vanoimba sevabudirwa panhamo apa imi munenge makagara zvenyu saka waunoda kuti azoita sebenzi kwako achitamba nokuimba ndiani?tamba panotambawo vamwe yimba nevamwe coz ukangogara uchizvisarudza aaaah bva kwenyu togarawo ka.

4. Unotomira uchiona vamwe vachisuka woramba wakagara heyaaa.uchadzisuka woga pauchafirwa.

5. Haubiki kunhamo dzevamwe waunoda agobika kwako ndiani iwe usingabiki .
China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Nyaya DzeParufu!
China Chemadzimai NaAunty Rhoda: Nyaya DzeParufu!

6. Kukaitika rufu hauendi unongonobata maoko or hautombonobati so ukaona vanhu vasingauyi kana wafirwa or vachingoti vakasvika votobva usabatikana hanty ndozvaunoita hako.

7. Hakuna guva rakambocherwa nemurume wako or rakacherwa nevana vako hanty hauvadzidzisi kuti vanhu vanobatidzana nevamwe ..make sure kut hautsamwi kana vanhu vakazochera kunhamo yekumba kwako vachipopota..

8. Parufu haudyi it's not kut vanodya vanenge vasina zvikafu kudzimba ,vanenge vatosiya mafridge akazara nenyama kune macrate emazai but panhamo panodyiwa nekuti panhamo saka uchenjere kut kwako ucharipa imbwa vanhu varirega.

9. Vatawo kurufu dzemuraini kuti vagorarawo kwako.

10. Ukatotumwa kumapoto nanamai vakuru unototsamwa unotsamwei parufu ita zvirikuitwa rufu harupedzi mwedzi unobvei ukaita? Hanzi heee mai nhingi vanozoda kuita sekuti inhamo yavo havagari pasi eheka siya vaite asi kana wazofirwa vanhu vouya vogara vokutarisa usazoti vakashata ...

Ita kwevamwe kuti ugoitirwavo it's not all about age kana watova ne 18 yrs wakura wani!!!

Stay blessed...

What is your contribution to this topic? If you have a topic that you'd want other women to hear, please get in touch!

Have a wonderful and blessed day. Amen

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.