Aunty Rhoda: Zvinhu Zvinotorwa Sezvizina Basa Asi Zvisingaite Hazvo!

1 Kumuka motadza kumutsana (mamukaseyi? Maswera seyi?).


2 Kungobuda pamba / pavanhu usina kuoneka.

3 Kuzora mafuta makagara vanhu.

4 Kupinza vanhu mubedroom mako vese vese.

5 Kugarisa vanhu pamubhedha pako vese vese.

6 Kufamba nemasocks kunobuda kunze.

7 Kudya munhu achitaurisa paruzhinji.

8 Kudya pavanhu munhu akamira.

9 Kupinda mumba mevanhu wotaura navo wakamira.

10 Kubuda kunze kwegedhi uchigeza mazino.

11 Kukama musoro mumba makagara vanhu.

12 Kubvisa bhutsu mumba mune vanhu idzo dzichibuditsa mweya wakaipa.

13 Kubuda kunze uchisvisvina bhonzo.

14 Murume kubuda panze kana mumba usina shirt/ T shirt.
Aunty Rhoda: Zvinhu Zvinotorwa Sezvizina Basa Asi Zvisingaite Hazvo!
Aunty Rhoda: Zvinhu Zvinotorwa Sezvizina Basa Asi Zvisingaite Hazvo!

15 Kugeza kumeso mvura ichibva mu cup.

16 Kurara pasofa mumba makagara vanhu.

17 Kudyira mupoto.

18 Kukokota plate yapera zvinhu.

19. Kupinda mumba usina kugogodza.

20. Kutadza kurepler munhu iwe waona message yake.

21. Kuwedzera salt pakudya usina kutanga waraira.

22. Kudya usina kugeza maoko.

23. Kuisa ma-earphones uchitaura nevanhu/ mumba mune vanhu.

24 Kukudubura mapoto ausina kunzi kudubura.

25 Kuyanika zvipfeko zvemukati pachena.

26 Kuvhurisa zviVolume reRadio/ Tv zvinovhiringa vavakidzani.

27 Kucomment nyaya yausina chokwadi nezvayo.

28 Kutadza kutenda waitirwa zvakanaka( kubatsirwa, kuchegetwa, kupihwa, kunyaradzwa etc).

29 Kutarisa vasvika pamunhu/ pavanhu vausingazive kuti vanoita nezveyi.

30. Kungotaura nezvauri pese pawangoshamira muromo.. Chindini ndini( Ndakanaka, ndini ndiri kumuchengeta, pasina ina dayi akafa, ndini ndinogona, ndakadzidza ndine mari, ndinonamata chaizvo etc.

31. KUSVIKA ZERA RAURI NHASI USINA KUGASHIRA JESU SAISHE NAMAMBO WEUPENYU HWAKO! USAZVIITE SEKUNGE UNE MASHARES KUDENGA, KUMBERI KUNE KUTONGWA UKU!

What is your contribution to this topic? If you have a topic that you'd want other women to hear, please get in touch!

Have a wonderful and blessed day. Amen

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp