China NaAunty Rhoda: 18+: Kunaka KweMurume NeMukadzi

Kunaka KweMurume/Mukadzi


Kunaka KweMurume

Kuti mukadzi wako afunge kuti murume wake anonaka murume uyu anenge ari murume rudzii? Hazvinetsi kuti murume anzi anonaka.Murume anofanira kuva nezvinhu zvishomashoma muunhu hwake. Anofanira kuva:

Norudo pamukadzi wake

Nguva nomukadzi wake

Kugarounzira mukadzi zvinhu

Kutenda mukadzi kana aita zvinhu zvakanaka.

Kudzidza kusagumbura mukadzi wake.

Kugaroitisa mukadzi manyawi nokumukudza zvikuru kana pane vanhu.

Kuterera mukadzi kana achitaura.

Pakurhojana murume anonaka murume anotora ngva pakutamba akamirira kupinza. Kana apinza anotora nguva asati adiridzira mukadzi wake. Tora nguva uchiti ukakoira koira, wombomira mukadzi iota sowotonhora achida kukoigwa iwe uchimuita zvishoma, wombowedzera futi, woderedza futi, uchingodaro kusvika wazomuita zvokumupfidzisa wobva wamudiridzira hako. Kana murume ari munhu akachena pamoyo, ari munhu ane rudo, asingakasiriri mukadzi wake, munhu anonaka chete.

Isu vakadzi hatisi vanhu vanonetsa kugutsa. Ndizvo muchiona kusina mahure echirume akawanda anobhadharisa. Ingari yokuti hakuna MARKET yacho. Isu vakadzi tinenge takaguta izvozvo zvishoma zvatapiwa umba. Ukaona mukadzi wemunhu ohura, pane nyaya dzakawanda ipapo.Hatimbonetsi kunakira kana. Taridza rudo uye tora nguva pakurhojana, chete chete. Chiona mesomeso anoitwa nevarume nokusagutsikana nezvaanazvo kumba.
China NaAunty Rhoda: 18+: Kunaka KweMurume NeMukadzi
China NaAunty Rhoda: 18+: Kunaka KweMurume NeMukadzi

Murume akangofanana nenhunzi panyaya dzerhoji. Nhunzi unomhara panyama, yodya yoguta, yoona imwe nyama yoendapo futi yadya futi. Hazvina basa kuti nyama iri nani ndeipi pambiri idzidzo. Kwahi naimwe shamwari anobva kuZambia. "Murume akashata pameso kana kuti chifupifupi ndiye anonaka nokuti anoziva kuti akatombopiwa chanzi aita rombo rakanaka musi uyu saka anobva aita nomoyo wose nokuti kungangopera nguva asina kuriwana futi, Asi kana wamufungira kumuda, tora nguva yakawanda usati wavata naye kuti azive kuti chanzi ishoma."

Mahwa here varume?

Ukangodzidza kunonoka kudiridzira mukadzi wako, uye uchimupa rhoji inorudo mukati, watova munhu anonaka. Mukadzi anonakigwa haapopoti, haafoyi, anopa rukudzo kumurume wake. Saka ukaona une dambudziko pane izvi mumba mako, ziva kuti mukadzi haasi kuguta. Usamubvunza chinhu, ingomurongera womupa rudo, nokunonoka, ugozotiudzawo kuti chii chaitika. Hwisisawo kuti hurume tinohuda chose asi nonoka kuuya nahwo. Chiendai munoita

Kunaka kweMukadzi

Kuti murume wako afunge kuti mukadzi wake anonaka mukadzi anenge ari mukadzi akaita sei? Iyi nyaya tinokwanisa kunyora mabhuku pairi. Murume umwe noumwe anoroora mukadzi waanofunga kuti mukadzi kwaye pamaonere ake. Kazhinji murume anokombeya mukadzi wake namai vake pazvinhu zvakawanda zvakaita sokugona kubika kana kuchengeta imba yakachena. Kana fungwa yake ikati mukadzi waasarudza ndiye kwaye, mukadzi wacho akakasira kuzvibata akaita munhu anohwisisa zvimwe zvinyaya zvidiki, murume anokwanisa kukwidza mukadzi wake kumuendesa pamusorosoro pevamwe vakadzi vemuraini. Kuzoti afunge kuti mukadzi wake anonaka mukadzi anenge akaita sei?

Kunaka kwemukadzi kunaka pakurhojana. Ngatitangei nokubvumirana kuti varume vakawanda vanofunga kuti hure/ small house rinonaka. Varume vakawanda vakaona shamwari yake ine hure raanogaroona, anokwanisa kumutsiura hake asi anoita majerasi chaiwo pamoyo pake. Varume vanhu vanonetsa kuhwisisa. Kazhinji murume akatanga nyaya yemahure, anoramba achiita zvokuti chero mukada kumupopotera, kumugarisa dare, kumuramba, haaregi. Anozoti pepu nyaya yake yatokanganisika, upenyu hwake nehwemhuri yake hwatoparara iye ava rombe chairo nengari yokushaya MANAGEMENT yechombo. pakuzosiya hure riya anenge atowana rimwe raanoti rinonaka kupfuura rokutanga.

Pane hazvanzi yangu akaitisa chimwe chimuhure mimba chichitoziva kuti ane mukadzi nevana. Mhuri yakagara dare yagarazve dare asi hapana chakabuda ipapo. Murume mukuru ane madhigirii matatu kuuya kudare kuudza vakuru kuti muhure uyu ari kuramba kurambwa saka hapana zvaanogona kuita. Vanhu vobvunza kuti unomuda here iye anoti kwete asi kukangosviba okwira mota onanga kuhure. Ipapo haana shuwa kuti mimba ndeyake. Nokuti anoziva kuti muhure anohura nevamwe varume. Ini ndakazoti Bhudhi taurai chokwadi munodirei hure iri imi mune mukadzi, zvikahi zvinonetsa kutsanangurira munhukadzi kuti chii chinoitika kana ndina Furorenzi. Kwahi fungwa inoti usadai asi kuti ndirege zvinonetsa.
China NaAunty Rhoda: 18+: Kunaka KweMurume NeMukadzi
China NaAunty Rhoda: 18+: Kunaka KweMurume NeMukadzi

Munhu anonaka. Ndikati ko maiguru? Kwahi zvakasiyana. Ipapo maiguru munhu wakafunda chose akaita munhu ane basa riri pamusoro anoremekedzwa nevakawanda. Chimuhure chakasvika form 2 asi rhoji chinoihwisisa chose kusvika pakutenderedza fungwa dzavarume vakuru vakawanda. Chii chaanoita muhure uyu chisingaitwi navakadzi vemumba? Madhirezi anodhura haana. Imba huru huru haana. Mota haana. Murume wake wemumba haana. 

Kudzidza haana. Asi varume vanoita muraini pamba pake vachimupa mari vachibvuma kuti mimba yaanayo ndeyavo. Chii chaanoita chinonzi chinonaka uye chinonaka zvakadii. Mukadzi wemumba zvibvunze kuti kana ndichida kuzvikombeya navanhu vanohi mahure (munhu anovata nevarume vevanhu vakawanda achipiwa mari kana kungotengegwa zvinhu) chii chandingaita pamurume wangu?

Vamwe vanoti kunaka chikapa. Chibvunza mutauri wacho kuti chikapa chii unohwa oti chikapa kunakira murume. Ipapo unobva waona kuti munhu haazivi zvaari kutaura. Ukabvunza varume kuti chavanoti kunaka chii pamukadzi unohwa nyaya dzakawanda. Ndakahwa umwe oti akambotorana nechimwe chimusikana chakashata zvokuti pameso asi chainaka zvokuti. Ndikati chaunoti kunaka chii, kwahi aah ainaka musi iwoyo. Ainaka sei? Kwahi, ha mhani maiguru munoziva kunaka imi? Ndikati bodo handizivi, nditsanangurire kuti mukadzi anonaka munhu akaita sei uye chii chaanoita chinonaka? Inyaya inonetsa nokuti varume havawirirani pakuona kwavo.

Kana ndichitsvaka SUMMARY ndinotikunaka kwemukadzi iATTITUDE yake kumurume wake nehama dzake, nekushamwari dzake. Apa panonetsa kukwikwidzana nehure nokuti hure hariudzwi hama neshamwari. Kana murume ane hure haana nguva yokutaura nyaya dzomumba. Anovinga nyaya yerhoji chete opiwa rhoji yake oenda kumba kwake kune mukadzi wemumba. Saka tasarigwa nokuongorora nyaya yerhoji chete.

Parhoji apa haisi nyaya yokungovhura makumbo murume opinza chombo iota zvaanoda zvatopera. Ita manager werhoji mumba. Imbofunga kuti varume vanodzoka kumba vachibva kumahure vangani? Chii chiri kukanganiswa nevakadzi vomumba. Basa rako kana uri MANAGER wechimwe chinhu kuziva zvinhu zvese panyaya yacho. Kana une chausingazivi enda unodzidza kuti chinoitwa sei. Atiitude yako pamurume wako inokwanisa kukukanganisira upenyu hwako.

Attitude ndeyokuti ndiwe muridzi wekurhoja kwese kunodiwa nomurume wako. Hakufaniri kuva noumwe munhu. Woita munhu anohwisisa kuti ndiwe mai mumba, ndiwe mukadzi mumba, ndiwe hure remurume muBedroom, ndiwe muchengeti wemba, ndiwe munhu asinganeti. Ndiwe munhu asinganyimi murume. Maonero ako ndiwo anotanga kunakira murume. Kuzosvika parhoji apa watozvipira kuita chero chakadii hacho chaanoda, uye kubvunza zvese zvaanoda.

Pahure murume anobhadhara saka chero chaada rinomupa. Isuwo ngatipe varume vedu. Kana ukaona achingoda zvokupinza okoira ovata, muudze iwe manager kuti akaramba achidai achabhowekana nazvo “ Familiarity breeds Contempt.” Mugarise pasi umubvunze zvese zvaanoita FANTASY nazvo mufungwa dzake. Kana usingazvigoni dzidzai mese kuzviita.

Kana uchitambisa chiuno parhoji, tambisa uchiratidza kuti moyo wako uri pakugutsa murume. Garotaurira murume kuti anonaka. Garonemera murume, Kana murume akaita chinhu chinofadza mubhadhare nokumupa muviri wako afarewo. Muchiuno chemukadzi mune simba rakawanda rinokwanisa kugadzira mwana, kufadza murume, kuuraya murume nezvigwere, kuumba upenyu hwemhuri, kufungisa murume kuti akagona pakusarudza, kushungurudza murume. Iwe sarudza chaunoda kuitira murume wako muupenyu hwenyu.

Kana ukaita murume anoshusha anogara asina mufaro, asingaratidzi kuti ane mukadzi, unokwanisa kushushikana pamoyo.Ona kuti upenyu hwako haudzikiswi pasi nomurume azvisina maturo. Ramba wakazvipira kukwidza upenyu hwake nokumuita munhu anodadisa.

Ndinohwa vamwe vachifunga kuti kana achipinda church nomurume wake zvinoreva kuti vane STABILITY yakawanda kupfuura vasingapindi. Kurhizena kwakadai kushaya njere. Muchurch imomo munotova nevakadzi vanoda murume wako chose. Kungoshaiwa kuti vomubata sei.

Unofanira kugara uri pamusoro pevese vanokwanisa kuonekwa nomurume wako. Hwisisa kuti isu vakadzi tine dambudziko rokuita sokuti hatigutsi varume vedu. Tisu tinofanira kugara dare tega tichikurukura nyaya yedu kuti iri papi.

Tisu tinofanira kusunga mabhandhe towedzera zviitwa varume vamboonawo kuti tiri vanhu vanoverengwa kuti tinoda varume vedu.

Chikuru kusiya zvenyika ino tongotya Mwari, kutendeka kune wako nekufara naye mazuva ose eupenyu: BHAIBHERI rinotaura zvakajeka nezvenyaya dzepabonde. Pana Zvirevo 5:18, 19, tinoverenga kuti: “Tsime rako ngarikomborerwe, uye fara nomudzimai wouduku hwako, iyo nondo hadzi yakanaka nembudzi yomumakomo inofadza kwazvo. Mazamu ake ngaakugutse nguva dzose. Fadzwa norudo rwake nguva dzose.”

Zvabatika here or todzokorora?

Bishop Pride Sibiya loves you and is praying for you!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp