Read This: "Shaa Usamhanye, Ndirikuzviziva."

Read This: "Shaa Usamhanye, Ndirikuzviziva."

Ndakatora hembe yangu ndikayenda nayo kune munhu anosona ndikati andisonerewo nechepadivi pehomwe pakanga pabvaruka.

Musoni uyu akaitora akaipindura ndokubvarura homwe iya. Hah! Ndakapopota ndikati, "inga ndati sonai kwete zvamaita zvekubvarura izvi."

Ndakadeedzera nezwi riripamusoro asi iye akandipindura zvinyoronyoro akati "NDIRIKUZVIZIVA"

Read This: "Shaa Usamhanye, Ndirikuzviziva."
Read This: "Shaa Usamhanye, Ndirikuzviziva."

Izwi rimwechete iri rakapinda pamoyo pangu kunge dombo rakandwa pamvura yakadzika. Ndakabva ndanyarara kuti zi.

Uyu munhu musoni ini ndingoriwo zvangu munhu auyawo nehembe yake yakabvaruka kuti isonwe. Kunyange ndakanga ndisingazive kudyidzana kwekusona nekubvarura muiti webasa akangonditi "NDIRIKUZVIZIVA"

Mwari vari kuti "NDIRIKUZVIZIVA"

Mwari murume anditiza, "NDIRIKUZVIZIVA"

Handina mari yekubhadhara rent,"NDIRIKUZVIZIVA"

Handina chekupa vana "NDIRIKUZVIZIVA"

Nguva zhinji kana Mwari vachitigadzirira zvakanaka vanotanga "vatibvarura".

Vanotibvarura kuzvikudza kwese, kudada kwese kunyima kwese zvekusara usisina kana chekuti unganyima munhu chacho. Vanobvarura chawanga uchifunga kuti ndechako vozonyatsokupa chako chaicho chaicho.

Chinhu chimwechete chinongodiwa apa huchenjeri. Huchenjeri hwekuziva kuti apa ndiMwari asi apa havasi apa. Satan anobvarura zvekuuraya asi Mwari vanobvarura zvekugadzirisa. Mwari vanobvarura zvitsaru vachikupa zvitsva murudo nemurunyararo.

Saka naizvozvo Mwari havabvaruri asi kuti vanogadzira, vanovaka.

Tisati tataura Mwari vanenge vatoziva kare ndosaka vachiti kana toridza mhere ivo vanongoti "NDIRIKUZVIZIVA"

J͟E͟R͟E͟M͟I͟A͟H͟ 29:11: For I know the plans I have for you,” declares the Lord, “plans to prosper you and not to harm you, plans to give you hope and a future.

VIMBA NAJEHOVHA.

Bishop Pride Sibiya loves you and is praying for you!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp