Mwedzi Uno Ndewako Iwewe!

Mwedzi uno Mwari ngavakuendese kwausina kumbofunga.

Mwedzi uno Mwari ndinonamata kuti Mwari vakupe zvisina zera newe, zvekuti vanokumaka vanokuvenga vanokumukira kunyangwe nevanhuwo zvavo, vasati makorokoto but vatange nekukubvunza kuti, Ndiwe here?

Kana kukubvunza kuti zvinhu zvako zviri kumbofamba sei?

Ndinoda kuti upinde busy nekuudza vanhu kuti shuwa ndini vanhu vachitadza kuku-believer because Mwari vanenge vakauitira zvakakora zvidhafu-dhafu. Haaa iwe mhani iwe!

Kana uri mwedzi uno, Mwari havasi kuzokusiya wakadaro. Mwari havasi kuzokusiya uri zvauri. Mwedzi uno uri kuzoona kubata kwaMwari mulife yako.

Ndaramba kuti uite zvakajairwa nevanhu chikonzero kana ari Mwari wedu watinonamata ndiMwari ane nhoroondo yekuita zvisina kumboonekwa uye anosimudza vasina kufanira vasingafungirwe nevanhu.

Iwewewo kana vanhu vakakutarisa vanoona uri munhu wenhando vanoona uri chiseko chenyika but nditeerersa hama Mwari vari kuzokusimudzira zvisina kutarisirwa nepovho Mwari vari kuzokuitira zvingatarisirwe nevanhu kuti iwe ungachata kuti iwe ungashanda basa raunopihwa mari ine mumvuri.

Mwedzi Uno Ndewako Iwewe!
Mwedzi Uno Ndewako Iwewe!

Mwari wedu ndiMwari weminana uyu ndiMwari wezvishamiso ndiMwari asingakundikane ndiMwari asinganyadzise ndiMwari vanonzwa zvese nekuona.

- Ndaramba kuti ushande basa rinoenderana nedzidzo dzako nezita raJesu!

- Ndaramba kuti ufambe nemota inoenderana nemari yaunotambira nezita neropa ramambo Jesu!

- Ndaramba kuti ugare muimba inoenderana nemari yekubasa nezita raJesu!

- Ndaramba kuti vanhu vakutarisire pasi kuti vanhu vakuite chitsiko chetsoka dzavo nezita ramambo Jesu werugare!

- Ndaramba kuti upfeke zvinoenderana nemari yako nezita neropa ramambo Jesu!

Mwari mwedzi uno ngavakusimudzire sezvavakaita ...

- David.

- Joseph.

- Esther.

- Gideon.

- Daniel.

Rwendo rwuno kana vari Mwari vandinoshumira havasi kuzokusiya wakadaro. Kana uchitenda mangwanani ano kuti Mwari vari kuzokubvisa apo vachikuisa uko ndidairewo amen satan abhoikane!

Kana usina nguva just LIKE

With GOD Nothing Is Impossible!

Bishop Pride Sibiya loves you and is praying for you!
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp