I Cried: Unedited Whatsapp Chat: Husband Confides On What It is To Be A Wife

Takabvumirana ini nemudzimai wangu kuti tibhejerane vaviri anenge ahwina aizoita hunhu (character) yemumwe for a week.

Ndakafara chose nekuti ndaida kuratidza mukadzi wangu kuti dzimwe tsika dzake dzaindirwadza and l was just tolerating her.. Unfortunately zvinhu zvakaenda neimwe nzira l lost the bet and my wife won saka my wife aizoita hunhu hwangu for the whole week.

The following day mudzimai wangu akamuka kuseni seni akati" gadzira breakfast yangu ..ayina hembe dzekuti ndipfeke nhasi" ..ndakaita saizvozvo ndapedza ironing akati aisada kupfeka hembe dzandakange ndaayina she went herself kuWardrobe akandipa dzimwe kuti ndiayine dzaida kupfeka zuva iroro..Akanditi ndibike morning..masikati nemanheru ..uye kucleaner mumba nekusuka maplates everyday ..kana ndapedza kubika ndaimuendesera chikafu mudining mainge akagara zvake achiona tv akaturikidzana makumbo..ndaizonzwa akuti .."ko sei muriwo wako wakawandisa salt unoda kuti ndiite Bp??...nyama ishoma mari yese yandasiya kuti utenge nyama ndipe change yangu"

Husband Confides On What It is To Be A Wife
Husband Confides On What It is To Be A Wife

Ndakarwadziwa mumoyo mangu kuti sei mukadzi wangu asingatendi asi ndikazofunga kuti neni ndiyo tsika yangu l was after complaints everytime..That week ndakapinda busy yoooooh. Saturday yakazosvika mukadzi wangu akaburitsa washing basket yakazara washeni akati ndiwache zvese nema sheets ndakawacha kusvika maoko angu asvuuka svuuka iye akambotanga akagara pa chair aripanze achiverenga newspaper akamboenda kushamwari yake akadzoka achicomplainer nzara ndakambomira kuwacha ndichinomubikira lunch nekucleaner cleaner mumba sezvo aizoda kuona bhora neshamwari dzake mudining Team yake Chelsea yaizotamba neyangu Manchester United na 3pm...Chakanyanyisa kundirwadza ndechekuti mudzimai wangu aisamboita hany'a nekuti ndaiwacha maziwasheni aiti akada kugara panze aindideedza kuti ndimupe chair ..maplates aingosiya padyira kana kumboendesawo ku sink...Ndakashanda ndikaneta ..takazogara tave kuona bhora tese team yangu ichibva yadyiwa 1:0 (to be continued )

So ndanga ndakabhoekana uyezve kuneta nebasa rese and kudyiwa kwe Manchester United kwaindirwadza zvekusvika kubhonzo ..My wife airatidza kufara and anga avakungonditaudza taudza achindiwedzera hasha especially pakazotaura nyaya yekuti VAR yanga yapa penalty kuChele ndakarwadziwa ndikapindura kuti VAR iri useless asi mukadzi wangu akabva andiyeuchidza kuti Manchester United yakambopihwawo penalty bhora ratopera mu 90 + 10 mins..Semunhu ndanga ndakaneta ndakakurumidza kupakura nekudya supper ndakutoenda kunorara my wife akazo requesta tea ..Ndakambomutarisa neziso rekuti andinzwire tsitsi asi hana kuita care nazvo ndakamupa tea ndichibva ndaenda kunorara..My wife akazotevera kubedroom after an hour akawana ndatofa nehope achibva andimutsa.

Akatanga nekundibata bata ndichibva ndaziva zvazvaireva ndakataura zvinyoronyoro nezwi rainzwisa tsitsi kuti "Babe l'm tired please tozoita mangwana ..Akanyemwerera zvake akandirova nembama kumagaro ndikanzwa kurwadziwa akati "No bbe come on ndezvenguva diki diki..Ndaive ndisina kana simba nekuneta newasheni ..kubika nekucleaner mumba..Ndakaedza kumukumbira kuti tizozviona mangwana asi iye akaenderera mberi kutondikisa pahuro kubata bata tunyatso twangu pachest and zvairwadza not romantic...kuti zvindibve ndakazongoita zvaida and my performance was poor akatanga kundituka achiti "Urimurume rudzii kurara kunge danda kudai ?" Ndakamboda kupindura rough but according to our betting agreement zvaisaita..My wife was just acting my behaviour..Ndakatanga kuzvibvunza mibvunzo yakawandisa mumoyo mangu uye kuona kuti varume most of the times tinoshungurudza vakadzi nekusaziva ..Tinepfungwa yehubaba chete according to our African culture asi zvimwe zvacho zvatinoitira madzimai mumarriage zvinorema ..Ndakange ndasara ne 1 day kuti ndipedze betting agreement asi kutaura chokwadi 6 days idzi dzakandirwadza kudarika 3 months dzandakambogara jeri reku Bindura ku ko Madzimai anogara sei mumarriage for the whole life???

Bishop's Comment: Men and women, let us feel for one another, many times we do not know what it is like to be a husband or a wife? Empathy is something very important in life, dai ndirini, ndainzwa sei?

Bishop Pride Sibiya loves you and is praying for you!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp