Mashoko Makukutu From Sorojena!

MASHOKO MAKUKUTU FROM SOROJENA

Usaita simba rebenzi rinowandira pane zvisina pundutso.

Panoitwa nharo dzako tsinga tare tare kuri kumira panharo.

Paita zvinovaka zvinomusoro wako muromo unoita sewakavharwa nezipi yakamirira kuzovhurwa musi wekuuya kwaJesu.

Hedeee vana maziva zvese kuda kumira mira kudzora akanganisa serudo asi musi waagona munotarisa rutivi semusina zvamaona.

Zvinobatsirei kuuraya shumba asi rwiyo rwehombarume rwoimbirwa auya nemhembwe? Hongu nekuti ndiye arapa vanhu mukanwa, ndiye adzimura nhomba.

Hazvina uchenjeri kupururudzirwa uchidzana ngoma yebira usiku hwose fume mangwana wotadza kuenda kumaricho uchirwadziwa nenhonho.

Simba ngariwandire pakusakura kandima kadoko kaunokohwa pane kupedzera simba mukutema gombo rausingagoni kurima.
A Letter To You, Pastor.
A Letter To You, Pastor.

Hadzisi hondo dzose dzaunokunda neumhare.

Pamwe unokunda nepfumo, pamwewo unokunda nekukanda pfumo pasi.

Ziva musiyano wepanodiwa meno nepanodiwa mano.

Simba rinoita basa ripere asi uchenjeri hwunoita basa rive nyore.

Chidembo chinonhuwa asi haungachishandisi kudzinga umhutu mumba. Hazvina uchenjeri.

Usafunga kuti ndevose vanhu vanoda mari yako. Vamwe vanoda mashoko ako kana nguva yako chete.

Haasi wese ane nzara anoda kutengerwa chikafu. Umwe anoda kutaridzwa panotengeswa chekudya.

Zvinokosha kubatira pamwe nevamwe, handidi kukudzidzisa ruzivasimba kana hwumbimbindoga kwete.

Hazvina kuipa kuenda kuhumwe dzevamwe asi wako munda urege kuzoita sewakarimwa sora nezvitumbura uchingosakura kwevamwe. Unova fuza.

Tsitsi ngadzisakutsitsiririra, kana tsiye nyoro kuzokutosvora.

Usava chipavhurire zvekusvika pakuno pemha kune vawakapa- Unosekwa.

Ita zvose nemwero.

Kubatsira vamwe zvekusvika pakukanganwa mhuri yako zvasiyanei nekucheka chikabudura kumagaro kuti uwane chigamba chekusonera pangowani? Hupenzi!

Kunamata kwakanaka. Itya Mwari nekumukudza kupfuura zvinhu zvose.

Asi regawo kuwomesera Mwari, usaisa Mwari pamuyedzo.

Mukadzi akanaka anobva kuna Mwari asi ndiwe unopfimba.

Basa rakanaka Mwari vanokupa asi ndiwe unorishanda.

Mhoni haasi maperembudzi, badza haribvisi umhandara. Shanda!

Ukasadeura dikita ngwarira kuzodeura rava ropa.

Wovawo nemoyomurefu, usada kusvika usati wasimuka.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp