Dare ReVarume NaSekuru Mbambamba: Usadheerera Mukadzi

Usadherere Mudzimai


Ndinoda kutenda Mwari nehama dzedu idzi vanonzi madzimai. Chokwadi Mwari pachavo vakati vasika Adam vakaona achidzungaira ega vakati hazvina kunaka kuti munhu agare ari ega vakamupa mubatsiri.

Varume taita dambudziko rekusaona a blessing rakati komberedza , vazhinji vanozo ona kukosha kwemukadzi wake nguva yapera. Vazhinji vakadzi vari kuerera misodzi mudzimba umo vamwe vachishingirira kuti one day pamwe Mwari vachandinzwavo misodzi ikapukutwa. VARUME TISA DHERERE VAKADZI AVA.

Mukadzi ane dzimwe nyasha sooo hama dzangu ,isu varume patino ona nemaziso maviri iye anenge achiona nematatu. Kazhinji varume tino deredzera maonero emukadzi but at the end unongozo ona kuti pfungwa iyi yakakosha that's why vakanzi vabatsiri.
Dare ReVarume NaSekuru Mbambamba: Usadheerera Mukadzi
Dare ReVarume NaSekuru Mbambamba: Usadheerera Mukadzi

Regai nditsanangure pandati maziso matatu apa. Madzimai anoita sevane kaporofita kamwe kari mavari kokuti murume ukakashandisa haufi wakarasika. Do you know kuti mkadzi wako akaona ma friends ako she can tell hunhu hwemunhu nekungoona chete. Unonzwa oti ummmm baba iyi friend yenyu iyi muingwarire. Kazhinji paunoita nharo unozo Ra garira mashoko ake one day.

WHEN IT COMES PAZVINHU ZVINO CHENGETA MARRIAGE YAKE MUKADZI ANOITA SEAGARWA NECHIPOROFITA I TELL YOU. Usaderere vakadzi hama vane dzimwe nyasha dzokuti tikadziona sevarume tosvika kure.

Wakamboona here kuti mukadzi anotanga kuita ukama nemunhu achiri mudumbu? Amai kana vakafara mwana ari mudumbu anotambavo but amai vakagumbuka chero mwana ari mudumbu hatambi sezvaanoita mai vakafara. Wakambo ona here kuti mkadzi anogadzira ukama nemwana asati agona kutaura but vagoto taurirana vachinzwanana.

Wakamboona here chero mwana asati ataura mkadzi can tell kachemere kemwana wake agokuudza kuti iyi inzara then apa akuda kugeza. Ugoongorora ugoona kuti ndochokwadi but mkadzi aziva sei chaizvo.

Vanamai vedu vaiti vakasiya mucheche ano yamwa kumba voenda kurwizi about 5 kms but wainzwa voti regai ndimanye mwana wangu ochema vachibata mazamu avo, woshaya kuti vanzwa sei.

USADHERERE MUKADZI HAMA YANGU VANHU VANE DZIMWE NYASHA DZOKUTI UKADZIONA UKADZI SHANDISA UNOSIMUKA CHOP CHOP.

Muwanano chaimo hama kutereravo mkadzi wako uchizvi koshesa hazvirevi kuti wava under pitikoti gavhumende nooooo. Shandisa nyasha dziri paari hama yangu. Uno ziva here kuti mari yamunodya food the whole month kana mudzimai arova maths dzake zvakanaka usingamu vhiringi, same amount ukaipiwa mhuri haigoni kurarama ichidya week zvayo. Vane nyasha dzokuti zvishoma zvikwane. Pain yavano pinda mu labour vachishinga dai yainzi yatakurwa nevarume kkkkk kwaingova mupinda mu labour uchibuda uchinanga Ku mortuary.

USA DHERERE MUKADZI HAMA YANGU ANE DZIMWE NYASHA DZIRI PAARI.

Panguva yenhamo chaiyo unoona kukadzi akagara pa side ne coffin agorara hope chaidzo akarinda umwe wake kusvika avingwa. Ipapo varume vanenge vari kumoto kure ukoooo. Vangani varume angagona kuchengetedza coffin reumwe wake agorara hope aripa side husiku hwese? Moti vhumukira baba mukabuda muma paper.

Hama tadii taonavo kugona nekushingaira kuri mune vamwe vedu tova koshesa tovada vanhu ava. Isavo nzeve yako kumukadzi sezvo akaitwa mubatsiri wako na Mwari. Mistake hombe ingaitwa nemurume kutendera misodzi yomukadzi wake kuyerera padama nokuda kwake ummmmmm usaita mistake yakadaro hama.

Ukanzwa mukadzi wako oti asi muchakura rini chaiko baba nhingi ziva kuti panoda kugadziriswa. Usatendere mkadzi wako kugarira vana iwe wakamutora uripo. Takambo vaona vazhinji varume vakambo penga nenyika but vakadzoka dzava shuro dzasukutwa tumari twese nepfambi , vakadzoka mkadzi akatambira hake rufu urworwo akapepa dzamara nguva yakwana. Anoti akatarira misodzo yoerera but moyo chena womukurira hake coz akanzi mubatsiri.

Hama bvuma kuti mubatsiri aite basa rake nguva ichipo uye nemufaro wese. Hauna kwauno svika nenyika iyi pliz koshesa mai avo udzikame .

Tau
+263772584787
+263716786668
Chakafukidza Dzimba Matenga

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp