Church Munyika VS Nyika MuChurch!

Church Munyika VS Nyika MuChurch!


Hapana chakaipa kuti church ive munyika but kana nyika yava muChurch then pava neProblem. haizi nyaya kuti boat ringe riri mumvura but kana mvura yazopinda muboat that becomes a problem. hongu tiripanyika asi hatitedzere tsika dzepanyika asi kutoti nyika ndiyo inofanira kutedzera tsika dzedu isusu semaChristu and not the other way round.

Varoma 12 vs 2 yoti "musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, we must not conform to the standards of this world."
Church Munyika VS Nyika MuChurch!
Church Munyika VS Nyika MuChurch!

Waona kuti kunyika vari kufamba vari half naked newewo muChristu wotedzera izvozvo, waona kuti kunyika varikuita chingochani, newewo Pastor woparidza uchiti chingochani chiri right. waona kuti n'anga dziri kubhadharisa mari for their services, newewo muporofita woda kuCharger mari. No hatikope zvinoitwa kunyika.

Satan anozviziva kuti vanhu havachade kuenda kumaBhawa vavakuda zvekunamata and chaari kuita satan ndechekugadzira church dzine hunhu hwekubhawa so that iwewe unenge uchiti uri kuenda kuChurch but chokwadi ndechekuti urikurasiswa. so many things zvekunyika zvavakuitwa muChurch zvekuti its now difficult kuSeperator church kubva kunyika. dressing yekuChurch neye kunyika zvafanana, indecent vese. music yoridzwa muchurch yafanana neye kunyika. language yekunyika yekutukana yava kushandiswa futi nevatendi vanhasi. violence inoitwa kunyika, yavakuitwa futi muchurch. fundraising tactics dzekunyika dzava kuitwa paPulpit.

Chiii chiri kuitika, mvura yapinda muboat, nyika yapinda muChurch and the results are bad.

Jesu anoudza maDisciples ake pana John 15:18-19 kuti Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamuzi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai.

Ngapave nemusiyano pakati penyika neChurch yaJesu

1 Johani 2 vs 15 Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwenyama, kuchiva kwameso uye kuzvikudza nokuda kwezvaanazvo munhu nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp