Chimoto Cherudo, Locate Me!

Chimoto cherudo locate me again in Jesus' name.


Wakaroorwa hako asi unenge usina, newewo hautoziya paumire, hapanawo chinorakidza ndimi mudzimai wa Sinyoro vacho, mumota chaimo hamubvumidzwe kukwira.

Mumba macho kuti mutaure wo nyaya munhu haadaire anongoti hmmm kunga mombe.

Pamba pacho havagarepo even vasingaende kubasa ivo baba ve kwenyu, pa vanenge vazvimanikidzira kugarapo inenge ingori kwindi kwindi.

Kunziwo function yekubasa bring spouses, iwe unotozobvunzwa nana mai Bobina kuti ko makarambirei kuuya ende takanakidzwa baba ve kwenyu taimboziva kuti vanotsika jaivhi kudaro ko iwo ma jokes zvavari munhu akasununguka nhaimi apa baba vasina havo kumbokudzai.
Chimoto Cherudo, Locate Me!
Chimoto Cherudo, Locate Me!

Hurongwa chaihwo unotozongo fonerwawo nevamwe kuti saka ucha svika nguvai usina kuudzwa kuzoti ma important decisions hatichambotaura unozongoona zvaitwa.

Kutiwo uedze romance hanzi ah makazvidzidzirepi izvozvo munhu achikusabvurira uko.

Ngapango svika vanhu chete rume rino fara rigozhinya rigoshaya pekubata iwe uchimhanya mhanya ku hoster ndipo paunongosekererwa chete.

Ko what went wrong, zvaari ye same person aimbosairirwa imbwa ne hanzvadzi dzako asi achingokuda chete, zvaari ye aimbokuti Queen of his heart wani zvaariye wani anosekerera vayenzi asi iwe asinga sekerere ..... what went wrong.

Wakapfekedzwa stinking garment na Satan, you stink in your husbands' nostrils but thank God we have a God who is bigger than all that. Take off that garment prophetically in Jesus name chimoto cherudo chipfute mumba mako zvakare nezita ra Jesu.

Say, "chimoto cherudo locate me again now in Jesus name," I will be my husband's everything again from now in Jesus name...Namata namata.... Stay blessed.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp