FACEBOOK-WHATSAPP DEMON: Ndafamba pakawanda ndichinzwa vazhinji vachiti Facebook neWhatsapp zvaputsa dzimba ... michato yaparara coz of these social media. 

Zvaindinetsa kuti why zvichidaro, kusvika ndazoona kuti patori nedemon (dhimoni) responsible for facebook and WhatsApp. Chenjera shamwari unogona kungoputsirwa yako nedemon iri. Imba inoputsika yes asi mukaona hove yaora chinotanga musoro. Musoro wako ndiwo wakaora kare ... hunhu ndihwo hunotanga kuputsika.

Iwe chenjera FACEBOOK DEMON. Unoona murume/mukadzi mukuru achinyora zvinyadzi zvisingaiti kana kutaura pamaFacebook page woshaya kuti chii? Kwanzi tiri paFacebook...heeeh ndezvepaFacebook. Unoona munhu achikumbira kutumirwa picture yemunhu asina kupfeka kunge asati amboona munhu asina kupfeka. Kunzi, "type send" kana uchida video yezvisina kana hunhu munhu achichemera...veduwe nditumireiwo. Aaaaaaah iwe chenjera mhani its a FACEBOOK DEMON.

Hazvipereri ipapo, dhimoni iri rakaipa mhani...unoona murume/mukadzi, musikana/mukomana achiita Facebook relationship isina kana Mwari nemunhu waasingazivi arikunyika irikure. Hameno zvimwe pane dzimba dzamira neFacebook. Ko nhai imi baba, makazvinzwa kupi kuti mukangoona picture yemukadzi akanaka motopfimba...haaaaaaah kwanai mhani. Mabatwa neFACEBOOK DEMON imi.

Chenjera Nekurwisana NeFacebook-Whatsapp Demon!
Chenjera Nekurwisana NeFacebook-Whatsapp Demon!

Manje demon iri rakuvadza makristu mazhini...vava kutadza kunamata nenyaya iyi. Unoona vazhinji vanofarira maposts aya anonzi "Receive your car...just type Amen". Hama dzangu munoreva here kuti by just liking the post or commenting "amen" zvava kutowanisa ropafadzo usina kana hukama naMwari wacho? Uuuuuuum imi vanhu chenjerai FACEBOOK DEMON. Kupfugamawo uchinamata hauchadi wongomirira kucommentor Amen zvotoita. Amen yacho haumboudzwi kuti, 'rurama' coz demon haridi vanhu vanorurama. 

Ndati chenjera FACEBOOK DEMON. Ndinoziva zvangu zvingatsamwisa vamwe asi saPauro ndinoti (2 Timothy 2vs7), 'Funga zvandinoreva nokuti ISHE uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose'. 

Ndatuka here?

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.